Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 6:11-18

Vagaratia 6:11-18 SCLB

Tarisai muone kuti ndiri kukunyorerai namabhi akakura sei uye ndichikunyorerai noruoko rwangu. Vanhu vanoda kuzvionesa nezvinoonekwa pamuviri ndivo vanokumanikidzai kudzingiswa vachingoitira chete kuti varege kutambudzirwa muchinjikwa waKristu. Kunyange ivo vacho vanodzingiswa havachengeti zvisungo zvomutemo. Asi vanoda kuti imi mudzingiswe kuti vawane mukurumbira nezvakaitwa pamuviri penyu. Kana ndirini, hazvifaniri kumbopinda mupfungwa dzangu kuti ndizvirovere dundundu chimwe chinhu kunze kwomuchinjikwa waTenzi Jesu Kristu wakaita kuti nyika ishaye maturo kwandiri sokurovererwa kwayo pamuchinjikwa uye kuti ini ndishaye maturo kwairi sokuroverwawo kwayo pamuchinjikwa. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakurevi chinhu asi chisikwa chitsva. Rugare nengoni ngazvive kune vose vanofamba nenzira iyi nekune vaIsiraeri vaMwari. Kubvira zvino ngaparege kuwana anonditambudza nokuti ndine mavanga aJesu. Chikomborero chokuitirwa nyasha naTenzi wedu Jesu Kristu ngachive nemi hama dzangu. Ameni.

Verenga chikamu Vagaratia 6