Zvandinoreva ndezvizvi, zvokuti tungamirirwai naMweya murege kufadza havi dzomuviri nokuti zvinodiwa nomuviri zvinorwisana nezvinodiwa naMweya. Zvinodiwawo naMweya zvinorwisana nezvinodiwa nehavi dzomuviri nokuti izvi zviri zviviri zvinorwisana zvichikutadzisai kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa naMweya hamuchisiri pasi pomutemo. Zvino mabasa enyama anooneka pachena, ndeaya anoti: upombwe nokuita zvakaora, kwouya kusazvibata nokunamata zvinhu zvisiri Mwari kwoti kuroya nokuvengana kwozoti kunetsana, nokuitirana shanje kwouyawo hasha, nokungozvifunga, kwozotiwo kupesana nokuita mapato anovengana uye kusafarira zvakanaka zvavamwe, uyezve kuraradza nokusazvibata kwezvidhakwa nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai sokukuyambirai kwandakamboita ndichiti vanoita zvakadai havawani nhaka youmambo hwamwari. Asi Mweya anobereka muchero wokuti tive norudo norufaro norugare, tive nemwoyo murefu nomutsa nemwoyo wakanaka nokutendeka uye unyoro nokuzvibata. Hakuna mutemo unorwisana nezvakadai sezvizvi. Avo vanenge vari vanhu vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa humunhu hwavo nehavi dzahwo nezvido zvahwo. Kana Mweya ari iye anoita kuti tirarame; saizvozvo ngatichitungamirirwawo naMweya.
Verenga chikamu Vagaratia 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vagaratia 5:16-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo