Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 5:1-15

Vagaratia 5:1-15 SCLB

Kristu chaakatisunungurira kuti tive vanhu vakasununguka, nokudaro mirai zvakasimba murege kuzvipinzazve mujoko rouranda. Chinzwai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kana mukadzingiswa Kristu anenge asisina chimuko kwamuri. Ndinonyatsokutaurirai pachena zvakare kuti munhu anobvuma kudzingiswa anofanira kuchengeta zvisungo zvose zvomutemo. Imi munoda kururamiswa nezvisungo zvomutemo makatochekana ukama naKristu, nyasha dzakatokupesai. Nokuna Mweya Mutsvene uye nechitendero, isu tinotarisira kururamiswa kwatiri kumirira. Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna basa asi chitendero chine rudo. Inga maimbomhanya zvakanaka wani! Ko ndiani akakupingidzai kuteerera chokwadi. Kufurirwa ikoko hakusi kwaiye akakudaidzai. Mbiriso shomanana inofutisa mukanyiwa wose. Muna Tenzi kudai ndinovimba kuti imi hamuzovi nedzimwe pfungwa dzinosiyana nedzangu uye kuti iye ari kukushushai achawana mubayiro wake, kunyange ari ani zvake. Hama, kana ndichiri kuparidza zvedzingiso, chandiri kushushirwa chitendero chii? Kana zvakadaro kugumbura kunoita muchinjikwa kunobva kwabviswa. Ndingatoda kuti dai vari kukutambudzai ivavo vatozvigadzira ivo pachavo. Chandinodariro hama dzangu, ndechokuti makadanirwa rusununguko. Asi rusununguko rwenyu ngarurege kuva nzira yokuzvifadza. Asi shandiranai murudo nokuti zvisungo zvose zvomutemo zvinozadziswa nechirevo chimwechete chinoti: “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Kana basa renyu rava sezvikara kurumana nokudyana munofanira kuzvingwarira nokuti mungatosvika pakupedzana.

Verenga chikamu Vagaratia 5