Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratiya 5:1-15

Vagaratiya 5:1-15 SNA2002

Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwazve nejoko rouranda. Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kana muchidzingiswa, Kristu haangakubatsiriyi chinhu. Ndinopupurira mumwe nomumwe anodzingiswa, kuti iye ane ngava rokuti achengete murayiro wose. Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoda kururamiswa nomurayiro; mabudiswa panyasha. Nokuti isu noMweya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa. Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi kutenda kunobata norudo. Makanga muchimhanya zvakanaka; ndianiko akakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi? Hamuna kugombedzerwa naiye akakudanai. “Mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wose.” Ndinotenda pamusoro penyu muna Ishe, kuti hamungatongorangariri chimwe chinhu; asi uyo, anokupesanisai achafanira hake kutongwa, kunyange ari ani naani. Asi ini, hama dzangu, kana ndichiparidza kuti vanhu vadzingiswe, ndinoramba ndichitambudzwa neiko? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa. Dai avo vanokupesanisai vachizvigadzirawo pachavo. Nokuti imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka; asi kusununguka kwenyu ngakurege kuva nzira yenyama, asi batiranai norudo. Nokuti murayiro wose unozadziswa neshoko rimwechete, rokuti, “Ida wokwako sezvaunozvida iwe;” asi kana muchirumana nokudyana, chenjerai kuti murege kupedzana.