Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 4:1-11

Vagaratia 4:1-11 SCLB

Zvino ndinoti mugari wenhaka paanenge chete achiri mwana muduku, haana zvaanosiyana nomuranda nyangwe zvazvo ari iye muridzi wezvinhu zvenhaka zvose izvozvo. Asi achiri mumaoko avabereki navatariri kusvikira pazuva rakatarwa nababa. Ndizvozvowo zvinesu, pataiva vana vaduku takanga tiri varanda vemweya yomudenga'mu nezvapasi pano. Nguva payakakwana Mwari akatuma Mwanakomana wake akaberekwa nomukadzi. Akaberekwa ari pasi pomutemo kuti anunure vanhu vakanga vari pasi pomutemo kuti tiwane nhaka savana. Pamusana pokuti muri vana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu watinokwanisa naye kudaidza tichiti, “Abha, Baba.” Nezvo nokuna Mwari, hauchisiri muranda, wava mwana. Zvino kana uri mwana naizvozvo uri mugari wenhaka. Kare pamakanga musingazivi Mwari maiva varanda vezvinhu zvisiri Mwari. Asi zvino, pamavakuzivana naMwari, kana kuti pamavakuzivikanwa naMwari, mungapindukire seizve kumweya yezvinhu zvisina simba uye isina chayo yamavakuda kuva varanda vayozve. Munochengeta mazuva makuru, nemwedzi nemwaka namakore. Inga ndinokaronge ndakashandira pasina.

Verenga chikamu Vagaratia 4