Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyange ari ishe wazvose; asi ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa. Saizvozvo nesuo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika; zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure vari pasi pomurayiro, kuti tipiwe umwana hwedu.
Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo medu unodana, achiti, “Aba, baba!” Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana, kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka naMwari.
Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vezvokwadi; asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve seiko kunezvokuvamba zvisina simba, zvourombo, muchidazve kutanga kuva varanda vazvo? Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore. Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabata basa kwamuri pasina.