Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 2:11-21

Vagaratia 2:11-21 SCLB

Asi Pita paakauya kuAntioku ndakamutsiura pachena nokuti akanga akanganisa. Zvaivapo ndezvokuti, vamwe varume vasati vauya kubva kuna Jemusi, aidya nevechirudzi. Asi pavakangouya akabva aregera avakuzvitsaura pamusana pokutya vebato rokudzingiswa. Vamwe vaJudha vakava nokusatendeka ikoko pamwe naPita. Kunyange Bhanabhasi akafurirwawo mukusatendeka kwavo ikoko. Asi pandakaona kuti vakanga vasingaiti zvinowirirana nechokwadi cheShoko Rakanaka, ndakataurira Pita navamwe vose vakanga varipo ndichiti, “Zvino kana imi muJudha kudai muchigara somunhu wechirudzi musingaiti somuJudha, mungagomanikidza sei vechirudzi kuti vagare savaJudha?” Isu iyesu, zvizvarwa zvechiJudha, tisiri vechirudzi, vatadzi, tinoziva kuti munhu haaruramiswi nezvisungo zvomutemo, asi nechitendero muna Jesu Kristu. Kunyangewo isu takatenda wani muna Kristu Jesu kuti tiruramiswe nechitendero muna Kristu kwete nezvisungo zvomutemo nokuti hapana anoruramiswa nezvisungo zvomutemo. Zvino kana isu mukushingairira kuti tiruramiswe muna Kristu; kana iyesu pachedu towanikwa tava vatadzi, ko zvino Kristu ava honzeri yechitadzo here? Hazvisizvo, kwete. Zvino kana ndava kuvakazve zvinhu zvandambopaza ndinobva ndazviita mudariki womutemo. Kuno mutemo, ndakangoita somunhu akafa kwauri kuti ndiraramire Mwari. Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naKristu. Handichisiri ini ndiri mupenyu asi kuti Kristu ndiye avakugara mandiri. Upenyu hwandinahwo somunhu ndinohugara pamusana pechitendero chandinacho muMwanakomana waMwari akandida akapira upenyu hwake nokuda kwangu. Handisi kuramba nyasha dzaMwari nokuti kana kururamiswa kuchiitwa nomutemo Kristu akafira pasina.

Verenga chikamu Vagaratia 2