Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “mwanakomana womunhu imba yokwaIsiraeri payaigara munyika mayo yakain'oresa nenzira dzavo nezviito zvavo. Kwandiri, maitiro avo akanga akaita sokun'ora kwomukadzi anenge achitevera saizvozvo ndakavavirukira nehasha pamusana peropa ravakadeura munyika, uye pamusana pezvifananidzo zvokunamata zvavakain'oresa nazvo. Ndakavamwararisa mukati memarudzi vakabva vatiwo mwarara mukati medzinyika. Ndakavaranga zvakaenzanirana namaitiro avo. Pavakaenda mumarudzi, kwose kwose kwavakasvika vakan'oresa zita rangu rinoera paizonzi navanhu ndivoka ava vanhu vaTenzi asi vakabuda munyika make imomo. Asi ini ndakaita hanya nezita rangu rinoera rakan'oreswa nemba yaIsiraeri mukati memarudzi kwavakaenda. “Naizvozvo taurira imba yaIsiraeri kuti zvanzi naTenzi Mwari zvandavakuita handisi kuitira imi vemba yaIsiraeri asi pamusana pezita rangu rinoera ramakan'oresa mukati memarudzi kwamakaenda. Ndicharatidza kuyera kwezita rangu guru rakan'oreswa mukati memarudzi, ramakan'oresa iyemi mukati mavo. Marudzi achaziva kuti ndini Tenzi, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Ipapo ndinenge ndazviita nemamuri ndichiratidza kuyera kwangu ivo vachiona. Chiripo ndechichi chokuti ini ndichakubvisai mumarudzi ndigokukokorodzai kubva munyika dzose ndigokuuisai kunyika yenyu. Ndichakusasai mvura yakachena muchibva machenurwa kun'ora kwenyu kwose. Ndichakuchenurai kuzvifananidzo zvenyu zvokunamata. Ndichakupai mwoyo mutsva ndigoisa mamuri mweya mutsva. Ndichabvisawo mamuri mwoyo wedombo ndichikupai mwoyo wenyama. Ndichaisa mweya wangu mamuri, ndigoita kuti mutevere mirawo yangu nokuchengeta zvirewo zvangu. Muchagara munyika yandakapa kumadzibaba enyu, muchava vanhu vangu ini ndichava Mwari wenyu. “Ndichakununurai kune zvose zvinokun'oresai, ndichati kuuye mbeswa, dziwande uye handizokupai nzara. Ndichaita kuti michero yemiti nezvirimwa zvomumunda zviwande kuitira kuti murege kuzonyara pakati pamarudzi nenhamo yenzara. Ndipo pamuchayeuka maitiro enyu akaipa nezviito zvenyu zvisina kunaka. Muchazvisema pamusana pouipi hwenyu nezviito zvenyu zvinosemesa. Zvandinenge ndichiita ndinenge ndisingaitire imi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Zvizivei izvozvo. Nyaraiwo, munyarewo nezviito zvenyu imi vemba yaIsiraeri.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Pazuva randichakuchenurai kuuipi hwenyu hwose ndichaita kuti maguta agarwe navanhu. Matongo achavakwazve. Nyika yerenje icharimwa panze pokuva renje kwayaive sokuonekwa kwayaiitwa navapfuuri. Vachati nyika yaive renje yaita sebindu reEdheni. Maguta akanga aparadzwa akasiiwa ava matongo asina chirimo ava kugarwa navanhu uye atova norusvingo. Ipapo marudzi anenge asara munharaunda yenyu achaziva kuti ini Tenzi ndini ndakavakazve maguta iwayo ndikarima maive renje. Ndini Tenzi ndazvitaura uye ndichazviita.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Izvozvi izvi ndichati vemba yaIsiraeri vandikumbire kuti ndiwanziridze vanhu sedanga rezvipfuwo. Sezvinongoita matanga ezvipfuwo zvechibayiro, samatanga ezvipfuwo muJerusaremu pamazuva makuru akatemwa. Ndizvo zvichaita maguta aiva matongo kuzara navanhu. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”
Verenga chikamu Ezekieri 36
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ezekieri 36:16-38
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo