Akatiwo kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu chienda kumba yaIsiraeri utaure kwavari namazwi angu aya. Chiripo ndechokutika handisi kukutuma kune vanhu vanotaura chirudzi kana mumwe mutauro wakaoma, asi kuti kumba yaIsiraeri, kusiri kumarudzi mazhinji anotaura chirudzi, kana mumwe mutauro wakaoma una mazwi ausingagoni kunzwisisa. Kuri kuti chaizvoizvo ndakutuma kuvanhu vakaita saivavo vaikunzwa. Asi imba yokwaIsiraeri haikunzwi nokuti havadi kunditeerera nokuti imba yose yokwaIsiraeri yakaoma musoro, indambakuudzwa dzavanhu. Chinzwa ndinokupa uso hune chivindi chokutarisana navo ndichiita kuti uomeserane navo musoro. Ndaita kuti uve nomusoro wakaoma kuti papata chaizvo seibwe romusarasara. Rega kumbovatya kana kuzeza mutarisiro wavo nokuti imba yemhandupandu dzavanhu.” Uyezve akatiwo kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichakutaurira agamuchire mumwoyo mako, uanzwe nenzeve dzako
Verenga chikamu Ezekieri 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ezekieri 3:4-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo