Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 18

18
Mweya unoita chitadzo, uchafa
1Shoko raTenzi rakauya kwandirizve richiti, 2“Zvinoreveiko kuramba muchingodzokorora tsumo iyi panyika yeIsiraeri yokuti,
“Vabereki vakadya magirepisi anovava
vana ndivo vakaita ugugu.#18:2 Ugugu: Vamwe vanoti hwadzira vamwewo vachiti uziza.
3“Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, zvetsumo iyoyi haichazomboshandiswa nemi muIsiraeri. 4Chinzwai, munhu ari wose zvake ndowangu. Munhu angave baba kana mwana ndowangu. Munhu anenge apara chitadzo ndiye achafa.
5“Kana munhu akarurama achiita zvakarurama nezviri pamwero, 6asingandodyira pamakomo kana kutarisa zvifananidzo zvokunamata zvemba yaIsiraeri, asingatadze nomudzimai womumwe, kana kugara nomukadzi panguva yake yokutevera, 7asingadzvinyiriri mumwe anodzorera zvikwereti kwaakwereta, asingapambi munhu uye anopa chokudya kune ane nzara, anopfekedza vasina chokupfeka, 8anokweretesa asingati mari yake inofanira kudzoka yabereka imwe mari asingabati zvinhu zvakaipa, anoitira munhu nomunhu zvino ruenzaniso 9anotevera mitemo yangu achinyatsochengeta mirawo yangu, mururami. Anofanira kurarama, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
10“Asi akabereka mwana mukomana, gororo, muurayi, 11anoita zvinhu zvakaita sezvizvi zvokuti anodyira pamakomo, anotadza nomudzimai womumwe, 12anodzvinyirira varombo navari muushai, anopamba asingadzoreri zvikwereti, anotarisa zvifananidzo zvokunamata anoita zvinosemesa 13anokweretesa achiti mari yake idzoke yabereka imwe mari, achiita chimbadzo; munhu akadaro anofanira kurarama here? Haafaniri kurarama. Akaita zvinhu zvose izvi zvinosemesa, anofanira kutoti afe, uye kuve nezvinomupfukira.
14“Ngatitii anoita mwana mukomana anoona zvose zvakaipa zvinoitwa nababa vake otya orega kuzvitevedzera, 15oita munhu asingadyiri pamakomo kana kutarisa zvifananidzo zvokunamata zvemba yaIsiraeri, asingatadzi nomudzimai womumwe, 16asingatadziri mumwe, asinganetsi nechikwereti, kupamba asingapambi, asi achipa vane nzara vasina chokupfeka achivapfekedza, 17asingabati zvinhu zvouipi#18:17 Zvouipi: ChiHebheru chinoti murombo. asingati chikwereti chake ngachibereke kana kuita chimbadzo, ari anochengeta zvirongwa zvangu achifamba mumirao yangu haafaniri kufira uipi hwababa vake. Anofanira kurarama. 18Asi baba vake, pamusana pokuti vaiita zvechisimba vachipamba vanhu zvinhu, vachiita zvisina kunaka pakati pevanhu vokwake, achafa pamusana peuipi hwake.
19“Asi imi mungati, ko mwana wake anoregerei kutambudzika pamusana pouipi hwababa vake? Apa mwana akaita zviri pamutemo uye zvakarurama akanyatsochengeta mirao yangu yose anofanira kuti ararame. 20Munhu anoita chitadzo ndiye anofanira kuti afe. Mwana haafaniri kutambudzika nokuda kwohwutadza hwababa vake kana babawo kutambudzika nokuta kweuipi hwemwana wake. Mururami achawana mubayiro woururami, muipi achiwanawo mubayiro wouipi.
21“Asi kana munhu akaipa akasiyana nezvitadzo zvake zvose zvaakapara oita zviri pamutemo zvakarurama, anofanira kurarama, haafe. 22Hakuna kana chimwechete chaakakanganisa chinozorangarirwa. Pamusana pezvakarurama zvaanenge aita izvozvo, anofanira kurarama. 23Ndinofarira rufu rwomuipi here?” Ndizvo zviri kubvunza Tenzi Mwari, “Ndisingatofarira kuti atendeuke kunzira dzake agorarama?
24“Asi kana mururami akasiyana noururami hwake oita zvakaipa achiita zvinhu zvinosemesa zvimwechetezvo zvinoitwa nowakaipa, angararame here ipapo? Hakuna kana nechimwe chezvakarurama zvaakamboita chinozomborangarirwa. Pamusana pemhosva yaanayo younyengedzi uye nechitadzo chaakapara, anofanira kufa.
25“Imi ndipo pamuri kuti maitiro aTenzi haana ruenzaniso. Chinzwai zvino, imi imba yaIsiraeri! Maitiro angu haana ruenzaniso nhai? Handiti kuita kwenyu ndiko kusina ruenzaniso? 26Mururami kana akasiyana noururami hwake oita zvakaipa anofa nokuda kwaizvozvo. Uipi hwaanenge aita ndihwo hunoita kuti afe.
27“Uye kana akaipa, akasiyana nouipi hwaakaita oita zviri pamutemo, zvakarurama achazviponesa upenyu hwake 28nokuti anenge afunga akabva asiyana nezvikanganiso zvose zvaakakanga aita anofanira kutorarama, haafi. 29Asi imba yaIsiraeri ndipo pamuri kuti maitiro aTenzi haana ruenzaniso. Nhaimi vemba yaIsiraeri, maitiro angu haana ruenzaniso here? Handiti kuita kwenyu imi ndiko kusina ruenzaniso?
30“Naizvozvo ndichakutongai mumwe nomumwe maererano namaitiro ake, imi vemba yaIsiraeri, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Tendeukai musiyane nezvikanganiso zvenyu zvose uipi hungadaro hukakuparadzai. 31Kandai pasi zvikanganiso zvenyu zvose zvamakapara kwandiri muwane mwoyo mutsva nomweya mutsva. Madireiko kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri? 32Chikonzero ndechokuti handifariri kuti ani naani zvake afe.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Saka pindukai murarame.”

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 18: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda