Kubuda 39
39
Kugadzirwa kwehanzu dzavapristi
(Kub 28:1–14)
1Vakatora wuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku vakagadzira hanzu dzavapristi dzaipfekwa pakuita basa romunzvimbo inoera. Vakagadzira hanzu dzinoera dzaAroni, sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi.
2Akagadzira hanzu yeefodhi namachira erineni akanakisisa. Akairukira newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku neshinda yendarama. 3Vakapfura ndarama vachiita mapape. Vakacheka-cheka mapape endarama iwayo vachiita tutseta tutetetete, twakazorukirwa mumachira erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. 4Vakagadzirira efodhi zvipenga zviviri zvepamapfudzi zvikasonererwa pairi, 5nomundya wayo wokuisungisa wakanga wakanyatsorukwa nejira rakafanana nerayo, rerineni rakanakisisa, wakarukirwa neshinda yendarama newuru neyeruvara rwedenga noruvara rwehute netsvuku, sezvakanga zvaudzwa Mosesi naTenzi.
6Akatora mabwe eonikisi, akaaisa patusefa twesimbi twendarama akanyora paari sezvinoitwa pachidhindo, mazita avanakomana vaVaIsiraeri. 7Akaisa mabwe iwayo pazvipenga zvapamapfudzi peefodhi kuti ave okuyeuka nawo vanakomana vaIsiraeri, sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.
Kugadzirwa kwenyembe yepadundundu
(Kub 28:15–30)
8Akagadzira nyembe yepadundundu yakanyatsogadzirwa yakaitwa sezvakaitwa efodhi. Yakagadzirwa nejira rerineni rakanakisisa, rakarukirirwa neshinda yendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. 9Yaive yakapetwa ruviri, iine mativi mana akaenzana. Kureba nokufara kwayo kuchiita masendimita makumi maviri ana masendimita maviri. 10Akaisa pairi mitsara mina yetumabwe tunokosha. Mutsara wokutanga wakanga uine katombo kerubhi netopazi neganeti. 11Mutsara wechipiri waiva nekeemeradhi nesafaya nedhaimondi. 12Mutsara wechitatu waiva neketekoizi neagati neametesiti. 13Mutsara wechina waiva nekebheriri neonikisi nejasipa. Twakanga twakaiswa patusefa twesimbi twendarama. 14Paiva notumatombo gumi netuviri tune mazita anofambirana namazita avanakomana vavaIsiraeri. Twakanga twakanyorwa mazita amadzinza gumi namaviri evaIsiraeri, katombo koga koga kaine zita rako. 15Vakagadzira tucheni tuviri twakakoswa twendarama chaiyo yakanakisisa vakatuisa panyembe iye yapadundundu. 16Vakagadzirawo tusefa twesimbi tuviri twendarama twokunamatidza mabwe, namaringi endarama maviri, vakasonera maringi maviri iwayo pamakona maviri okumusoro kwenyembe yepadundundu. 17Vakasungirira tucheni tuviri twendarama twakakoswa tuye pamaringi maviri epanyembe yepadundundu. 18Vakasungirira tucheni tuviri twokumusoro tuye patusefa twesimbi twendarama twuya twapamapfudzi tukava nechepamberi pezvipenga zviviri zveefodhi zvapamapfudzi. 19Vakagadzirawo maringi maviri endarama vakaasonera nechomukati menyembe yapadundundu pamakona ezasi pedyo neefodhi. 20Vakagadzirawo mamwe maringi maviri endarama vakaasonera nechemberi, pamakona ezasi ezvipenga zviviri zvepamapfudzi zviya zveefodhi pedyo nomupendero wayo pamusoro pomundya uya wakanyatsorukwa. 21Vakasunga nyembe yapadundundu nomumaringi acho, nomundya weruvara rwedenga vachisunganidza maringi epanyembe yapadundundu namaringi epaefodhi. Nokudaro nyembe yapadundundu yakagara yakasimba iri nechokumusoro kwomundya womuchiuno, kuitira kuti nyembe irege kubva paefodhi, sezvakanga zvaudzwa Mosesi naTenzi.
Kugadzirwa kwedzimwe hanzu dzavapristi
(Kub 28:31–43)
22Akagadzirawo gemenzi reefodhi, rakarukwa rose zvaro riri rweruvara rwedenga. 23Raiva nehuro pakati paro pokupinza napo musoro. Paiva nomupendero wakarukwa uchipoteredza huro iyoyo kuti rirege kubvaruka. 24Pamupendero wegemenzi iroro wose wezasi vakasonera zvinenge michero yemapomegiraneti zveruvara rwedenga nezveruvara rwehute nezvitsvuku nejira rerineni rakanakisisa. 25Vakagadzirawo tumadare twendarama chaiyo yakanakisisa. Pamupendero wakatenderedza gemenzi iroro vakasonerera kadare pakati peainge mapomegiraneti maviri oga oga. 26Vakazvisonerera zvichitsinhanha zvichiti apa kadare apa kanenge muchero wemapomegiraneti; apa kadare apa kanenge muchero wemapomegiraneti zvakatenderera mupendero wose wegemenzi rokushandisa pabasa raMwari, sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.
27Vakagadzirirawo Aroni navanakomana vake hanzu dzinenge dzoda kusvika mumabvi dzejira rerineni rakanakisisa, 28kwouya ngundu yejira rerineni rakanakaisisa nenguwani dzejira rerineni rakanakisisa kwazvo, namabhurukwa ejira rerineni rakanakisisa, 29kwoti mundya wejira rerineni rakanakisisa rakarukirirwa newuru neyeruvara rwedenga neruvara rwehute netsvukutsvuku, sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 30Vakagadzira karata kechiremba kanoera kendarama chaiyo yakanakisisa vakanyorapo sezvinoitwa pachidhindo mazwi anoti, “Nyakutsaurirwa Tenzi.”
31Vakasungirira tambo yebhuruu pakarata ikako yokukasungirira nayo pangundu iya, nechapamusoro payo sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.
Kupedzeswa kwebasa
(Kub 35:10–19)
32Ndokupedza kwakaitwa basa rose rokugadzira tendhe rokusanganira. VaIsiraeri vakagadzira izvozvo zvose sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 33Vakaunza kuna Mosesi izvi zvinoti: tendhe rinoera, machira etendhe racho nemidziyo yaro yose, nezvikochekero zvaro namapango aro akavezwa, nembariro dzaro namapango aro nezvigadzikiro zvawo, 34kwouya dahunha repadenga ramatehwe ehondohwe akasukwa akatsvukiswa uye nerimwe dahunha repo ramatehwe etahashi, nejira rechidzikatiro, 35kwouyawo bhokisi rechitenderano namapango aro, nehwidibiro yaro; 36kwoti teburu nemidziyo yayo yose, nechingwa chokuisa pana Mwari, 37nechigadzikiro chomwenje chendarama chaiyo namarambi acho, nemidziyo yacho yose namafuta emarambi; 38kuchizoti atari yendarama namafuta okuzodza nawo, norusenzi runonhuhwirira, namachira okudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera; 39kwozouya atari yendarira nesefa yayo yendarira namapango ayo nemidziyo yayo yose nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo; 40kwozouyawo machira okukomberedza nhandare yayo namapango aro nezvigadzikiro zvawo, namachira okudzikatirisa pasuo raro guru, netambo dzaro nehoko dzaro nemidziyo yaro yokushandisa mutendhe rinoera rokusanganira; 41pachizouya hanzu dzinoera dzokushandisa munzvimbo inoera dzakanyatsorukwa, dzomupristi Aroni, nehanzu dzavanakomana vake dzokushandisa savapristi. 42VaIsiraeri vakaita basa iroro rose maererano nezvakaudzwa Mosesi naTenzi. 43Mosesi akatarisa zvose zvakanga zvagadzirwa akaona kuti zvakanga zvaitwa naimomo chaimo makanga manzi naTenzi muitwe nomo. Mosesi akavapa chikomborero.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 39: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.