Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 32:1-8

Kubuda 32:1-8 SCLB

VaIsiraeri pavakaona kuti Mosesi agarisa muGomo reSinai anonoka kudzoka, vakaunganira Aroni vachiti, “Dai mukachitigadzirirawo vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesi uyu, nyakutiburitsa muIjipiti, hatichamboziva kuti chii chakamuwira.” Aroni ndokuvati, “Endai mubvise mhete dzendarama dziri panzeve dzamadzimai enyu nedzavana venyu vakomana navasikana, muuye nadzo kwandiri.” Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo dzendarama dzaiva panzeve dzavo vakauya nadzo kuna Aroni. Aroni akadzitambira akadzinyungurutsa, ndokugadzira nadzo chimhuru chendarama. Ivo ndokuti, “Onai vaIsiraeri! Havanoi vamwari venyu vakakuburitsai muIjipiti.” Aroni achiona izvi akavaka atari pamberi pechimhuru chiye, akadaidzira shoko rokuti, “Mangwana tichaitira Tenzi mabiko.” Mangwana acho vakafumouya nezvipfuwo, vakapira mipiro yokupisa, nemipiro yokuwadzana. Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, ndokusimuka votamba. Tenzi akati kuna Mosesi, “Chiburuka mugomo muno nokuti vanhu vako vawakaburitsa kunyika yeIjipiti vaipa, vaenda mutome; nokuti vachimbidzosiya gwara randakati vatevere. Vakatora ndarama vakagadzira chimhuru chavari kunamata. Vatopira handira yacho mipiro vachiti, ‘VaIsiraeri havanoi vamwari vedu vakatiburitsa munyika yeIjipiti.’ ”

Verenga chikamu Kubuda 32