Mosesi aifudza hwai nembudzi dzavatezvara vake vainzi vaJetero vaiva mupristi wokuMidhiani. Rimwe zuva Mosesi akaenda nezvipfuwo izvozvo kumadokero kwerenje akandosvika kugomo raMwari rinonzi Horebhu. Ipapo mutumwa waTenzi akazviratidza ari murimi romoto raiva mugwenzi. Mosesi akatarira akaona kuti gwenzi raibvira moto, asi rakanga risingaroti. Mosesi ndokuti, “Regai ndiendepo ndione chishamiso chikuru chakadai chokuti seiko gwenzi richibvira moto asi risingabva rarota.” Tenzi paakaona kuti Mosesi ari kuswederapo kuzoona, Mwari akadaidzira kwaari ari mugwenzi iroro achiti, “Mosesi! Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano!” Mwari ndokuti, “Rega kuswedera pedyo. Chitobvisa shangu dzako nokuti paumire ipapo inzvimbo inoera. Ndini Mwari wamadzitateguru ako. Ndini Mwari waAbhurahamu, ndini Mwari waIsaki, ndini Mwari waJakobho.” Mosesi akabva afukidza chiso chake achitya kutarisa Mwari. Tenzi ndokuti, “Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuti vari kuoneswa nhamo navanhu vari kuvashandisa. Ndinoziva nhamo dzavo dzose. Zvino ndaburuka kuzovanunura mumaoko evaIjipiti. Ndichavabvisa muIjipiti ndichindovaisa kunyika huru yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi.
Verenga chikamu Kubuda 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 3:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo