Pazuva chairo rakapera mwedzi mitatu yokubva kwavo kuIjipiti vaIsiraeri vakasvika murenje ReSinai. VaIsiraeri vakanga vabva kuRefidhimu vakasvika murenje reSinai vakadzika matendhe avo pakatarisana negomo. Mosesi akakwiramo kundosangana naMwari. Tenzi ari mugomo imomo akadaidzira kuna Mosesi achiti, “Taurira vanhu vemba yaJakobho, uudze vaIsiraeri kuti, ‘Makaonaka zvandakaita kuvaIjipiti, mukaonawo matakuriro andakakuitai segondo riri kubhururuka rine charakatakura ndichikuunzai kwandiri. Zvino mukanditeerera nomwoyo wose, muchichengeta chitenderano changu, pamarudzi ose muchava soupfumi hunokosha kwazvo kwandiri, nokuti pasi pose ndepangu. Kwandiri ini, imi muchava nyika yavapristi, rudzi runoera. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaurira vaIsiraeri.’ ” Mosesi akaburuka mugomo, akakokorodza vakuru vakuru vose vavaIsiraeri akavapirawo mashoko iwayo ose aakanga audzwa naTenzi. Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu.
Verenga chikamu Kubuda 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 19:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo