Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 18:19-23

Kubuda 18:19-23 SCLB

Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari, uvewo wokuvatsanangurira mitemo nemirao, uchivadzidzisa mugariro wakanaka nezvavanosungirwa kuita. Zvaungaitewo kusarudza mukati mavanhu ava varume vanoziva basa, vanotya Mwari. Vanofanira kuva varume vari pachokwadi, vanovenga zvepfumbamuromo, uvape basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana avanhu. Vamwe vave vatungamiriri vamapoka anenge aine chiuru chavanhu, mukati macho vamwe vave vatungamiriri vetumapoka tunenge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu. Vatungamiriri ivavo ndivo vova vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva nduku dzose vachidzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro iwoyu. Dai kuri kuti Mwari anotiwo uite zvandareva, uchakwanisa kuita basa rako, vanhuwo ava vose vachadzokera kwavo vasingagunun'uni mumwoyo.”

Verenga chikamu Kubuda 18