Ava mangwana Mosesi akagara padare achitonga mhosva dzevaIsiraeri. Vanhu vakaswera padare, kubvira mangwanani kudzamara manheru. Vatezvara vaMosesi vakaona mabatiro ose aaiita vanhu, vakati, “Ko ndicho chii chauri kuitira vanhu ichochi? Pamusana pei uriwe woga woga chete wokutonga mhosva dzavanhu uchiswedza vanhu vakangokumirira padare?” Mosesi akapindura vatezvara vake achiti, “Vanhu vanouya kwandiri vachida kuziva kuti Mwari anoti kudii pamhosva dzavo, kana vanhu vatadzirana, vakauya kwandiri ndinovatonganisa mhosva yavo ndichivaudza mitemo nemirao yaMwari.” Vatezvara vake vakamuti, “Zvauri kuita izvozvi hazvina kunaka. Iwe uchazviuraya nebasa, uchitambudzisawo vanhu vanouya kudare. Basa irori ibasa guru kwazvo haungariiti uri oga oga. Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari, uvewo wokuvatsanangurira mitemo nemirao, uchivadzidzisa mugariro wakanaka nezvavanosungirwa kuita. Zvaungaitewo kusarudza mukati mavanhu ava varume vanoziva basa, vanotya Mwari. Vanofanira kuva varume vari pachokwadi, vanovenga zvepfumbamuromo, uvape basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana avanhu. Vamwe vave vatungamiriri vamapoka anenge aine chiuru chavanhu, mukati macho vamwe vave vatungamiriri vetumapoka tunenge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu. Vatungamiriri ivavo ndivo vova vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva nduku dzose vachidzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro iwoyu. Dai kuri kuti Mwari anotiwo uite zvandareva, uchakwanisa kuita basa rako, vanhuwo ava vose vachadzokera kwavo vasingagunun'uni mumwoyo.”
Verenga chikamu Kubuda 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 18:13-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo