Zvino fume mangwana Mosesi akagara achitambira vanhu mhaka dzavo, vanhu vakamira pamberi paMosesi kubva mangwanani kusvikira madekwana. Zvino mukarahwa waMosesi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, “Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?” Mosesi akati kumukarahwa wake, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari; kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake.” Zvino mukarahwa waMosesi akati kwaari, “Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka. Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga. Teerera zvino izwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari; uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita. Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vezvokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi; ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe. Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.”
Verenga chikamu Ekisodho 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 18:13-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo