Mosesi akazoneta akatadza kuramba akasimudza maoko ake. Aroni naHuri vakakungurutsa ibwe rokuti Mosesi agare, Mosesi akagara pabwe. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakati mumwe uku mumwe uku, vakaasimudzira mudenga. Maoko ake akanga akatsigirwa kusvikira zuva radoka. Naizvozvo Joshuwa akakatakazha nebakatwa vaAmareki navarwi vavo. Tenzi akati kuna Mosesi, “Nyora nyaya yehondo yarwiwa pano mubhuku kuitira kuti zvizorangarirwa. Taurira Joshuwa izvi azvinzwe nenzeve dzake kuti ndichaparadza vaAmareki zvachose zvokutsakatisa zita ravo panyika.”
Verenga chikamu Kubuda 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 17:12-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo