Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 17:1-7

Kubuda 17:1-7 SCLB

Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo rwaro kubva muRenje reSini vakafamba vachiti apa garei vosimudzira, apa garei vosimudzira sezvainge zvataurwa naTenzi. Vakazondodzika matendhe avo paRefidhimu. Asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. Vanhu ndokubva vapopotera Mosesi vachiti, “Tipe mvura yokunwa!” Mosesi akati, “Nemhosva yeiko imi muchindipopotera? Ko munoedzereiko Tenzi muchidaro?” Vanhu vose vakanzwa nenyota yemvura, vakapopotera Mosesi vachiti, “Makatibvisirei kuIjipiti? Heya makatibvisira kuzotiurayisa zvenyu nenyota nhai? Saka munoda kutiurayisa nenyota isu navana vedu nezvipfuwo zvedu nhai?” Mosesi akachema kuna Tenzi achiti, “Ndoita seiko navanhu ava? Vachanditema zvino uno namabwe.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Tora tsvimbo yako iye yawakamborova nayo mvura yomuna Nairi uende mberi kwegungano ravanhu uine vamwe vakuru vakuru vavaIsiraeri. Ini ndichamira mberi kwako ikoko padombo riri kuHorebhu, urove dombo iroro, mvura ibude, vanhu vanwe.” Mosesi akaita saizvozvo vakuru vakuru vevaIsiraeri vachiona. Nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, Masa neMeribha, pamusana pokupopota kwavaIsiraeri nokuedza kwavakaita Tenzi vachiti, “Ko Tenzi achinesu here kana kuti kwete?”

Verenga chikamu Kubuda 17