Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 17:1-7

Ekisodho 17:1-7 SNA2002

Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachiita nzendo nzendo, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura inganwiwa navanhu. Vanhu vakarwa naMosesi, vakati, “Tipe mvura tinwe.” Mosesi akati kwavari, “Munorwireiko neni? Munoedzereiko Jehovha?” Vanhu zvino vakanga vanenyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mosesi, vakati, “Wakatibudisireiko Ijipiti, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?” Mosesi akachema kuna Jehovha, akati, “Ndichaiteiko navanhu ava? Voda kunditaka namabwe.” Jehovha akati kuna Mosesi, “Tungamira pamberi pavanhu, uende navakuru vaIsiraeri, utore tsvimbo yako yawakamborova rwizi nayo muruoko rwako uende. Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa.” Mosesi akaita saizvozvo pamberi pavakuru vaIsiraeri. Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kwokurwa kwavana vaIsiraeri; uye nokuti vakaedza Jehovha, vachiti, “Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete?”

Verenga chikamu Ekisodho 17