Kubuda 13
13
Matangwe ndeaMwari
1Tenzi akati kuna Mosesi, 2“Matangwe ose echirume anofanira kupiwa kwandiri sechinhu chinozogara chichinzi ndechangu. Chii zvacho chevaIsiraeri chinenge chatanga kuberekwa, pavanhu kana pazvipfuwo, ndechangu.”
Mazuva makuru echingwa chisina mbiriso
3Mosesi akataurira vaIsiraeri achiti, “Rangarirai zuva ramakabuda muIjipiti kwamaiva muuranda nokuti Tenzi akakubvisaimo nesimba rake guru, naizvozvo hamubvumirwe kudya chingwa chine mbiriso. 4Nhasi mumwedzi uno waAbhibhi,#13:4 Abhibhi: Ndiwo mwedzi wokutanga wechiHebheru. mava kuzobuda muIjipiti.
5“Kana Tenzi akazokusvitsai kunyika yaakatsidzira madzitateguru enyu kuzokupai, nyika yavaKanani navaHiti navaHivhi navaJebhusi, nyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kupemberera ikoku ngakuitwe mumwedzi iwo uno. 6Kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso chete, pazuva rechinomwe muchiita mabiko okupemberera Tenzi. 7Mumazuva manomwe iwayo idyai chingwa chisina mbiriso, ngamurege kuva nomunhu anowanikwa aine mbiriso kana chingwa chine mbiriso munyika yenyu yose. 8Munozofanira kuudza vana venyu pazuva iroro kuti, ‘Zvinhu izvi, tiri kuzviita pamusana pezvatakaitirwa naTenzi patakabva kuIjipiti.’ 9Mabiko iwayo achaita sechiratidzo chakasungirirwa paruoko rwako kana kuti sechiyeuchidzo chakasungirirwa pahuma yako kuti mutemo waTenzi usabve pamuromo pako nokuti Tenzi akakuburitsai muIjipiti nesimba rake guru. 10Nokudaro chengetai murao iwoyu gore negore panguva yawo yakatarwa.
Matangwe
11“Kana Tenzi azokuunzai kunyika yevaKanani sokutsidza kwaakaitira imi namadzibaba enyu achiipa kwamuri, 12imi munofanira kuzoturira kuna Tenzi chose zvacho chinenge chatanga kuberekwa. Pazvipfuwo zvenyu zvose, mikono yose inotanga kuberekwa ndeyaTenzi. 13Asi kana iri mhuru yedhongi hono, inenge iri yokutanga kuberekwa, inunurei nehwayana. Kana mukarega kuinunura imonyei mutsipa ife. Matangwe ose avanhu echirume ngaanunurwe. 14Kana mwanakomana wako akazokubvunza mune ramangwana achiti, ‘Ko izvi zvinoreveiko?’ Iwe iti, ‘Tenzi akatiburitsa nesimba rake guru muIjipiti mataitambura tiri muuranda. 15Farao paakaomesa mwoyo achitirambidza kubuda, Tenzi akauraya matangwe echirume ose munyika yeIjipiti kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kumatangwe ezvipfuwo. Ndokusaka ndichitora zvipfuwo zvose zvinotanga kuberekwa ndichizviita chibayiro kuna Tenzi. Asi vana vedu vakomana vanenge vari matangwe tinotovanunura. 16Izvozvi zvichaita sechiyeuchidzo chiripamaoko enyu kana kuti pahuma dzenyu chokuti Tenzi akatiburitsa muIjipiti nesimba rake guru.’ ”
F. KUBUDA KWAVAISIRAERI MUIJIPITI
Shongwe yegore nezirimi romoto
17Kuzoti Farao abvumira vaIsiraeri kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira kuenda nenzira inopfuura nomunyika yevaFirisitia kunyange zvayo yakanga iri iyo pfupi nokuti Mwari akati, “Vangasangane nehondo vakafunga napamwe vakadzokera kuIjipiti.” 18Saka Mwari akavatungamirira vakaenda nenzira inopoterera inoenda nokurenje yakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsiraeri vakabuda muIjipiti vakapakata zvombo zvavo zvehondo.
19Mosesi akatora mapfupa aJosefi akaenda nawo nokuti iye Josefi akanga ati vaIsiraeri vapike kuzoita izvozvi achiti, “Ndinoziva kuti Mwari achauya kuzokununurai, zvino kana moenda takurai mapfupa angu muendewo nawo.”
20VaIsiraeri vakasimudzira rwendo rwavo vobva paSukoti vakandodzika matendhe avo vave kuEtamu, nzvimbo iri kumucheto werenje. 21Masikati Tenzi aivatungamirira neshongwe yegore, usiku achivatungamirirawo nezirimi romoto raivavhenekera nzira kuti vagone kufamba masikati kana usiku. 22Shongwe yegore yairamba ichivatungamirira masikati, zirimi romoto richivatungamirira usiku.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 13: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.