Saizvozvo Hamani akatora hanzu dzacho nebhiza racho akashongedza Modhekai akamufambisa napamusika weguta ari pabhiza, Hamani achidaidzira achiti, “Izvi ndozvinoitwa namambo kumunhu waanenge ada kuremekedza!” Modhekai akazodzokera kusuo guru rokwaMambo, asi Hamani akakurumidza kudzokera kumba kwake achiungudza akafuka musoro. Hamani akasvikotaurira mudzimai wake Zereshi neshamwari dzake dzose zvakanga zvaitika kwaari. Ngwazi dzake nomudzimai wake Zereshi, vakati kwaari, “Kana Modhekai wawatanga kukotamira ari werudzi rwechiJudhaka hamumbomukurira asi kutoti iyewe ndiwe uchatoputsika chete pamberi pake.” Vachingunotaura navo kudaro, pakasvika vayuniki vamambo kuzotora Hamani nokukurumidza kuenda naye kumabiko aye akaitwa naEsita.
Verenga chikamu Esita 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Esita 6:11-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo