Esita 3
3
Zano raHamani rokuparadza vaJudha
1Mushure maizvozvi izvi, mambo Ahasuerusi akasumudzira pamusoro Hamani wokwaAgagi mwanakomana waHamedhata akamukwidziridza achimupa chigaro chepamusoro kudarika machinda mamwe ose aakanga anawo. 2Zvino makurukota ose amambo akanga ari epasuo guru rokwamambo vaikotama vachiremekedza Hamani nokuti ndozvakanga zvatemwa namambo nezvake. Asi Modhekai haaipfugama achimugwadamira. 3Makurukota amambo aive pasuo guru rokwamambo akazobvunza kuti, “Unotyorerei murao wamambo?” 4Pavakataura naye zuva nezuva iye asingateereri vakazozvisvitsa kuna Hamani vachida kuona kuti zvaitaurwa naModhekai zvaizomusvitsa kupi, nokuti akanga avaudza kuti aiva muJudha. 5Hamani, paakaona kuti Modhekai akanga asingapfugami kana kumugwadamira akaviruka chaizvo nehasha. 6Akaona chiri chinhu chisina maturo kungoranga Modhekai chete, naizvozvo sezvo akanga audzwa kuti rudzi rwaModhekai nderwechiJudha, akafunga zvokuparadza maJudha ose, vanhu vokwaModhekai wacho munyika dzose dzoumambo hwaAhasuerusi.
III: NHAMO YEVAJUDHA
7Mumwedzi wechiposhi, mwedzi waNisani, mugore regumi rechipiri rokutonga kwaAhasuerusi vakashandisa Puri, ndochin'ange ichocho pana Hamani zuva nezuva. Vaichiita mwedzi nomwedzi kudzamara pamwedzi wegumi nechipiri ndiwo mwedzi waAdhari iwoyo. 8Hamani akati kuna mambo Ahasuerusi, “Kune rumwe rudzi rwavanhu rwakatekeshera rwakaita mharadzirwa mukati mendudzi dzavanhu munyika dzose dzoumambo hwenyu. Mitemo yavo yakasiyana neyedzimwe ndudzi dzose dzavanhu uye havachengete mitemo yamambo zvokuti kuvarega zvavo vakangodaro, hapana chiyamuro kwamuri mambo. 9Kana muchida zvenyu mambo, panofanira kutemwa chirevo chokuti vaparadzwe. Ini ndini ndichabvisa mari yesirivha inosvika mazana matatu amatani ane matani makumi mana ane mashanu, ndoiisa mumaoko avanhu vanoona nezvebasa rokwamambo kuti vagoiisa munochengeterwa upfumi hwokwamambo.” 10Nokudaro mambo akabvisa muruoko ringi yake yechidhindo akapa kuna Hamani muvengi wevaJudha muAgagi mwanakomana wokwaHamedhata. 11Mambo akati kuna Hamani, “Mari yacho unopiwa iwe uye vanhu vacho vanoiswa mumaoko mako kuti uite zvaunoda navo.”
12Vanyori vokwamambo vakadaidzwa musi wegumi nechitatu wemwedzi wechiposhi kukanyorerwa chirevo chiya madzishe namasadunhu enyika dzose namachinda endudzi dzose dzavanhu. Vakachinyora namanyorero enyika yoga yoga nomutauro wenyika imwe neimwe, maererano nezvose zvainge zvatemwa naHamani. Chirevo ichocho chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa nechidhidho chamambo. 13Kwakatumwa vokumhanya namatsamba kunyika dzose dzamambo aiti kuparadzwe, kuurayiwe, kutsakatiswe maJudha ose zvawo; vakuru navadiki, vakadzi navana nomusi mumwechete musi wegumi nechitatu womwedzi wegumi nechipiri, mwedzi waAdhari uye kupambwe zvinhu zvavo. 14Tsamba yakaita saiyoyi yaifanira kupiwa somutemo munyika dzose ichifanira kuparidzwa kundudzi dzose dzavanhu kuti musi iwoyo vange vakagadzirira. 15Vokumhanya neshoko vaye vakakasika kuenda chiri chinhu chainge chatemwa namambo. Chirevo ichi chakatemwa muguta reSusa, mumuzinda wamambo. Mambo naHamani ndokugara pasi vava kunwa zvavo asi guta reSusa rakakangaidzwa nazvo.
Zvasarudzwa nguva ino
Esita 3: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.