Naizvozvo torai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumira pazuva iroro rinenge rakaipa. Kana marwisa zvakaomarara zvazvo kudaro imi mucharamba makamira. Saizvozvo mirai makazvisunga zviuno zvenyu nechokwadi sebhande makapfeka demautare rapaditi rokururama. Mutsoka dzenyu pfekai shangu dzokuda kuparidza Shoko Rakanaka rorugare uyewo garai nguva dzose makabata nhoo yechitendero yamunogona kudzima nayo miseve yose yomoto yewakaipa. Dzikai mumusoro ruponeso senguwani muine bakatwa raMweya zvichireva Shoko raMwari.
Verenga chikamu Vaefeso 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vaefeso 6:13-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo