Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vaefeso 6:10-13

Vaefeso 6:10-13 SCLB

Pokupedzisira itosimbai muna Tenzi uye nokusimbarara kwesimba rake. Pfekai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumirisana namazano akaipa aDhiabhori nokuti hatisi kurwisana navanhu asi nomweya ine ukuru ukuru, neino ushe nemweya inotonga pasi pose pano pane rima riripo iri uye tiri kurwisana nehondo nehondo dzomweya youipi iri mumatenga'mu. Naizvozvo torai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumira pazuva iroro rinenge rakaipa. Kana marwisa zvakaomarara zvazvo kudaro imi mucharamba makamira.

Verenga chikamu Vaefeso 6

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neVaefeso 6:10-13