Naizvozvo, imi vechirudzi panyama, yeukai kuti maimbonzi vanhu vasina kudzingiswa navaya vakadzingiswa chiri chinhu chinoitwa panyama namaoko. Yeukai kuti panguva iyoyo imi makanga makaparadzana naKristu, muri vatorwa kumhuri yeIsiraeri makatsaurwa kuzvitenderano zvechipikirwa musina chitarisiro uye musina Mwari panyika. Asi iye zvino, muna Kristu Jesu, imi maimbova kure makaunzwa padyo neropa raKristu. Nokuti Kristu ndiye rugare rwedu akaita kuti tive vamwe akaputsa munyama yake chidziro chaiparadzanisa vanhu choruvengo nokudzima mutemo wemirao nezvirevo kuti aumbe maari iye munhu mumwechete mutsva panzvimbo yavaviri. Nokudaro akaunza rugare. Uye kuti nomuchinjikwa, atiwadzanise naMwari mumuviri mumwechete, nezvo achibva aparadza ruvengo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi maiva kure kure. Akaparidzawo rugare kune vakanga vari padyo nokuti nokwaari uye naMweya mumwechete tinowana masvikiro kuna Baba.
Verenga chikamu Vaefeso 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vaefeso 2:11-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo