Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vaefeso 2:1-6

Vaefeso 2:1-6 SCLB

Nokudaro akaita kuti imi muve vapenyu pamakanga muri vanhu vakafa pamusana pezvikanganiso nomuzvitadzo mamakambogara muchitevedza maitiro apanyika pano muchiteverawo changamire womweya inesimba iri mumhepo, mweya uri kushanda muvanhu vasingateereri. Isuwo tose takambogarawo mukati mazvo tichitevera havi dzomuviri wedu, tichitevera zvinoda muviri nepfungwa dzedu. Naizvozvo takanga takazvarirwa shamhu sezvakanga zvangoitawo vanhu vose. Asi Mwari, azere netsitsi, pamusana porudo rwake rukuru rwaakatida narwo, kunyange patanga takafa nokuda kokutadza kwedu, akatiita kuti tive vapenyu pamwe naKristu. Makaponeswa nenyasha. Akatimutsa pamwechete naye akaita kuti tigare naye mumatenga tiri muna Kristu Jesu

Verenga chikamu Vaefeso 2