Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vaefeso 1:3-7

Vaefeso 1:3-7 SCLB

Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaTenzi wedu Jesu Kristu akatikomborera muna Kristu; akatikomborera namakomborero ose ezvomweya okumatenga. Akatisarudza maari pasi pasati pasikwa kuti tive vatsvene vakarurama pamberi pake. Mwari, nechido chake, zvakamufadza kufanotisarudza nokuna Jesu Kristu kuti tive vana vake murudo, kuti Mwari arumbidzwe pamusana penyasha dzake dzisingatauriki dzaakatiitira nokuMwanakomana wake wapamwoyo pasina muripo. Nokwaari takawana ruponeso neropa rake rwokuregererwa zvikanganiso zvedu, maererano nokuwanda kwenyasha dzake

Verenga chikamu Vaefeso 1