VaEfeso 1:3-7
VaEfeso 1:3-7 SNA2002
Ngaavongwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, akatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga muna Kristu, sezvaakatitsanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina mhosva, pamberi pake murudo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzakangotipa hake muMudikanwi wake, kurumbidzwe; uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake


