Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 9:11-12

Muparidzi 9:11-12 SCLB

Chimwe chandakaona pasi pedenga ndechokuti shasha yokumhanya haisiyo inokunda vamwe vose. Gamba rokurwa harisiro rinokunda muhondo vangwaru havasivo vanowana chokudya vakachenjerawo havasivo vanowana upfumi, mhizha hadzisidzo dzinobudirira nguva yavanayo imwechete uye zvinowira mumwe zvinowira vose. Munhu haazivi nguva yake. Sezvinoitwa hove dzinobatwa mumumbure wakaipa uye seshiri dzinobatwa parugombe ndizvo zvine vanhu vanobatwa panguva yakaipa pazvinongoerekana zvavawira.

Verenga chikamu Muparidzi 9