Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 32:1-47

Kutsinhira Mutemo 32:1-47 SCLB

Akati, “Matenga we-e teyai nzeve munzwe ndimbotaura newewo nyika teerera unzwe mazwi omuromo wangu. Chidzidziso changu chichaita zvokunaya semvura, nhauro yangu ichinyava pasi sedova, zviite semvura iri kunaya paruswiswi, serupfunhavachembere pazvimerwa zvose, nokuti ndava kuparidza zita raTenzi, nokupembedza ukuru hwaMwari wedu. Iye iDombo chairo kusimba! Pabasa rake hapana chinganatsiridzwe nokuti maitiro ake ane ruenzaniso. Mwari ndiMwari anotendeseka asina chakaipa maari; ndiMwari akarurama, Mwari ari pachokwadi. Asi imi hamuna kutendeseka kwaari, hamukodzeri kuva vanhu vake. Ko ndomatsiviro amungaite Tenzi iwaya here? Imi mazipenzi avanhu, vanhu vasina pfungwa. Ko haasi iye here baba vako, vakakusika? Haasi iye here akaita kuti muve rudzi? Rangarira mazuva aye ekare, uyeuke makore aye ezvizvarwa nezvizvarwa; bvunza baba vako, vachakurondedzera, ubvunzewo vechikuru-chikuru, vachakutsanangurira. Wokumusorosoro paaigovera ndudzi nhaka dzadzo, achipa rudzi norudzi nyika nomuganho wayo; aipa maererano nouwandi hwavatumwa vaMwari. Asi iye Tenzi mugove waakazvisarudzira vanhu vake, Jakobho sorudzi, ndiye nhaka yake. Akamuwana munyika yegwenga, ari murenje riya rinongova maungira oga; Akavaunganidza, akavariritira, achivachengeta sezai regondo. Segondo rinogaririra manyana aro, richibhururuka zvaro nechepamusoro pedendere, richitambanudza mapapiro aro, nokutakura manyana aro, Tenzi pachake akamutungamirira, pasina vamwe vamwari. Akamupa nyika iri pakakwirira, akadya zvirimwa zvomuminda; akamuita kuti asvete zvake uchi hwomudombo, achiwana mafuta parukangarahwe. Kumombe, mukaka wakakora, kune zvimwe zvipfuwo, mukaka chete, vaine hwayana nehondohwe dzakakora, nemombe nembudzi dzokuBhashani, nekoroni ine hura dzakasvika chaizvo, wakanwa mhanga yewaini. Asi Jeshuruni, iwe Isiraeri, wakati wakora, wakatanga kupfacha. Wakati wakora, wafuta zvokupenya muviri, wakafuratira Mwari akakusika ukatsvinyira Dombo, ruponeso rwako. Zvokuva navamwe vamwari zvakamutsa shanje yaMwari, zvakaipa zvavakaita zvakanyandura hasha dzaMwari. Vakapira zvibayiro kumweya yakaipa, kumweya yakaipa isiri mwari kune vamwari vavasingamboziva; vamwari vanonzi vachangosvikawo mazuva ano vasina kana kumboremekedzwa namadzibaba avo. Wakarega kuita hanya naiyeyu Dombo akakubereka, ukakanganwa zvako Mwari akakuumba. Tenzi akazviona akabva achekana ukama navo, nokuti akashatiriswa navana vake vakomana navasikana, akati regai ndivafuratire, ndione kuti pavo pachaperera papi; nokuti chizvarwa chakapanduka, vana vasingatendeseki. Vakandipa kuitira shanje zvinhu zvisiri mwari, vakavirutsa hasha dzangu navamwari vavo vokuveza. Saka ndichaitawo kuti vave neshanje navanhu vasiri rudzi. Ndichavashatirisa norudzi rwamadzenga. Hasha dzangu dzichaita somoto, uchapisa kusvikira pasi pasi munzvimbo yavakafa. Ucharoromesa nyika nezvinhu zvayo. Uchatungidza moto paugaro hwamakomo. Ndichaita kuti nhamo dzivamomotere, miseve yangu ichaperera pavari. Vachasara vaondoroka nenzara, vachaparadzwa nedenda rokupisa muviri. Vachapera nezvirwere zvinouraya, ndichavatumira zvikara zvinoruma; nenyoka dzinozvongonyoka napasi dzine uturu. Pachena zvapo chaipo bakatwa, richaita kuti vapinde nhamo mudzimba umu kuchingova kutya koga koga. Nhamo iyoyo haina waichasiya ari mupenyu, jaya kana mhandara, mucheche nowachena musoro. Ndakazviti regai ndivamwararitsire kure kure, pasave naanovayeukazve mukati mavanhu. Asi ndakazeza zvangu kuzvikudza kwaizoita vavengi vavo, vofunga kuti, ‘Takavakurira nesimba redu pachedu.’ Vachiti, ‘Tenzi haasiri iye akaita zvose izvi, asi kuti isu nesimba redu ndisu takakurira.’ “Nokuti vanhu ivava rudzi rwakatenderera musoro, vanhu vasinganzwisisi. Dai vakachenjera vangadai vakanzwisisa izvi, vangadai vakaziva kuti izvozvi zvichavasvitsa kupi. Ko munhu mumwe angadzinge sei chiuru chavanhu? Ko vanhu vaviri vangakwanise kudzinga gumi rezviuru zvevanhu here? Zvingaitike chete kana iye Dombo ravo avaisa mumaoko evavengi vavo; uyewo kana Tenzi avaramwira mumaoko avavengi vavo. Nokuti iye dombo ravo akasiyana naMwari Dombo redu kana vavengi vedu vanotonyatsozviona. Vanhu ivava vakaromba mbeu dzomugirepisi younzenza kuSodhomu, neyokuminda yeGomora. Magirepisi avo muchetura chaiwo, zvisumbu zvemagirepisi avo indye chaiyo kuvava. Waini yavo ichepfu yenyoka chaiyo, uturu chaihwo hwemhakure. Heya munoti izvozvi handina kuzvichengeta mudura remwoyo wangu here, ndikanyatsozvipfundira? Kutsiva ndokwangu, kudzosera ndokwangu. Nguva ichasvika yokuti rutsoka rwavo rwutsvedzemuke, nokuti zuva renjodzi yavo rava kusvika, kuparara kwavo kuchaitika nokukurumidza. Asi Tenzi achanunura vanhu vake, achanzwira tsitsi varanda vake, vakatapwa kana vasina paanenge aona kuti varukutika havachisina simba, havachaziva chokuita. Ndopaachati, ‘Ko vamwari vavo varipiko, dombo ravoka ravaipotera naro;’ vamwari vaidya mafuta ezvibayiro zvavo, vachinwa waini yemipiro yezvokunwa? Ngavachisimukaka vakubatsire, ngavachikudziviriraka! Zvino chizivai kuti Ini Iyeni pano ndini iye. Hakuna mumwe mwari kunze kwangu. Ndini ndinouraya, uye ndini ndinopa upenyu. Ndinokuvadza uye ndinoporesa, hakuna anganunure chinhu chiri mumaoko angu. Ndinosumudza ruoko rwangu kudenga ndichiti, ‘Chokwadi ndinopika neni pachangu, ini Mwari mupenyu.’ Pandicharodza bakatwa rangu rinohwituka kupenya, ndinenge ndongoda kuona kuti ruenzaniso rwaitwa here! Ndichatsividza vavengi vangu, ndigoranga vanondivenga. Ndichaita kuti miseve yangu iyerere ropa, renhapwa nerevanenge vaurayiwa, vakuru vakuru vanondivenga, bakatwa rangu richivaita kanyama kanyama. Imi ndudzi dzose pemberai mufare navanhu vaMwari, nokuti achatsividza ropa ravaranda vake. Achatsiva vavengi vake, nokuchenura nyika yavanhu vake.” Mosesi akauya akadetemba mazwi ose erwiyo urwu vanhu vachizvinzwa, aiva naJoshuwa mwanakomana waNuni. Mosesi paakapedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsiraeri vose akati, “Pfundirai mumwoyo yenyu mashoko ose aya andakupai nhasi uno kuti muti vana venyu vanyatsochengeta zvose zvinorehwa nomutemo uyu. Ndinodaro nokuti haasi mashoko asina maturo, asi ndiwo upenyu hwenyu. Mashoko iwaya ndiwo achakuraramisai kwenguva ndefu munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu.”