Akati, “Matenga we-e teyai nzeve munzwe ndimbotaura newewo nyika teerera unzwe mazwi omuromo wangu. Chidzidziso changu chichaita zvokunaya semvura, nhauro yangu ichinyava pasi sedova, zviite semvura iri kunaya paruswiswi, serupfunhavachembere pazvimerwa zvose, nokuti ndava kuparidza zita raTenzi, nokupembedza ukuru hwaMwari wedu. Iye iDombo chairo kusimba! Pabasa rake hapana chinganatsiridzwe nokuti maitiro ake ane ruenzaniso. Mwari ndiMwari anotendeseka asina chakaipa maari; ndiMwari akarurama, Mwari ari pachokwadi.
Verenga chikamu Kutsinhira Mutemo 32
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kutsinhira Mutemo 32:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo