Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 24

24
Kudzokerana kwavakamborambana
1“Zvingaitike kuti murume oroora mukadzi ozowana chinhu chisingamufadzi maari nokuti anenge aona chinhu chisina kufanira maari, obva omupa mumaoko tsamba yegupuro achimudzinga pamba pake, 2kana akabvapo ondoroorwa nomumwe murume, 3murume iyeyo akasafadzwawo naye akamupawo mumaoko tsamba yegupuro achibva amudzinga pamba pake, kana kuti murume wacho ofa, 4pakadaro murume wake uya akatanga kumuramba haabvumirwi kudzokerana nomukadzi iyeyo anenge ambon'oreswa kudaro nokuti kudzokerana kwakadai marutsi chaiwo pana Tenzi. Usamboparamurana nechitadzo chakadai chinosvibisa nyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako.
Mirao yakasiyana-siyana
5“Kana murume apiwa mukadzi waachangobva mukuroora ngaarege kuenda kuhondo, kana kupiwa mutoro webasa renyika yake rinofanira kuitwa. Ngaagare zvake pamusha kwegore rose achivaraidzana nomudzimai waakaroora.
6“Kana ukakweretesa munhu usambofanomubatira guyo, kana huyo yake kuti azokudzosera nokuti unenge wamutorera chinomuraramisa.
7“Kana munhu akawanikidzwa achiba mumwe wake wechiIsiraeri, achimuita muranda wake kana kumutengesa, nyakuba munhu ngaaurayiwe. Naizvozvo muchabvisa huipi hwakadai pakati penyu.
8“Kana chirwere chamapere chabata munhu, nyatsoitai nomazvo zvose zvamunodzidziswa navapristi vechiRevhi zvandakavataurira mobva manyatsozviita. 9Yeuka zvakaitwa naTenzi Mwari wenyu kuna Miriamu pamaiva murwendo muchibva kuIjipiti.
10“Paunokweretesa mumwe wako chero chinhu chipi zvacho usapinde mumba make kundotora chinhu chokumbofanobata. 11Asi mira panze munhu waunokweretesa abude nacho kuzokupirapo. 12Kana ari murombo usarare usina kumudzosera chinhu chake. 13Mudzosere chinhu chake kana zuva rodoka kuti awane chokurara akafuka agokutenda iwewe unenge watoita zvakarurama kuna Tenzi Mwari wako.
14“Usabate zvakaipa mushandi murombo asina chokubata angave mumwe wako muIsiraeri, kana vatorwa vari mumaguta enyu munyika yenyu. 15Mubhadhare basa raaita pazuva iroro kusati kwadoka nokuti murombo, uye ndopanenge pane mwoyo wake ipapo. Angadaro akachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri.
16“Madzibaba haafanire kuurayirwa mhosva dzavana vavo. Vana havafanirewo kuurayirwa mhosva dzamadzibaba avo. Munhu pachake anofira mhosva yake iye pachake.
17“Rega kuti kana wotonga mutorwa kana nherera, wosiya zviri pamutemo. Kana ukakweretesa chirikadzi, rega kuitorera hanzu yayo yokumbofanobata. 18Unofanira kurangarira kuti wakambova muranda muIjipiti, Tenzi Mwari wako akazokununurako ndokusaka ndakupa murao uyu.
19“Paunokohwa mbesa mumunda wako, ukakanganwa chisumbu chadzo usadzokere kundochitora. Ngachisarire vatorwa nenherera nechirikadzi kuitira kuti Tenzi Mwari wako akukomborere pane zvaunoita. 20Paunokuzhumura michero yako yamaorivhi usaudzokerere mapazi awo zvakare. Ngaisarire vatorwa nenherera nechirikadzi. 21Paunokohwa magirepisi mumunda wako wamagirepisi usaudzokerere uchifuhwa. 22Ngaasarire vatorwa nenherera nechirikadzi. Rangarira kuti wakambova muranda muIjipiti ndokusaka ndakupa murao uyu.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 24: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda