Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 22

22
1“Rega kuti ukaona mombe kana hwai yehama yako muIsiraeri ichitetereka woita sousingaioni, idzorere kwaari. 2Kana asiri pedyo newe usingamuzivi enda nayo undoichengeta kumusha kwako kusvikira mumwe wako uya aibvunza, unofanira kumudzosera. 3Izvozvo ndozvauchaita kana waona dhongi rake kana hanzu yake kana chimwe chinhu zvacho chomumwe wako chaanenge arasa. Usaite sousina hanya nacho.
4“Kana ukaona mombe kana dhongi romumwe wako muIsiraeri rawira pasi pamugwagwa usaite sousina hanya naro. Mubatsire kurimutsa.
5“Munhukadzi ngaarege kupfeka hanzu dzinopfekwa nomunhurume. Munhurume ngaarege kupfeka hanzu dzinopfekwa navakadzi. Ani naani anoita izvozvo anosemesa Tenzi Mwari wenyu.
6“Kana ukaona dendere reshiri mumuti kana pasi zvapo munenge muine shiri yakavhumbamira manyana ayo, kana kurindira mazai ayo, usabate mai vacho nokutorawo manyana ayo kana mazai ayo. 7Rega mai vacho vaende zvavo, ugotora zvako manyana kuti zvikufambire zvakanaka urarame panyika kwamazuva mazhinji.
8“Kana wavaka imba itsva ine denga rakati sandara vakira kumucheto kwaro chinodzivirira kuti vanofambapo varege kutozomoka. Kana wadaro hauzovi nemhosva yeropa romunhu angangotozomokapo.
9“Usadyare mbeu mbiri mumunda wako wemagirepisi. Kana ukangodaro, mbeu dzawakadyaramo nemichero yemagirepisi zvava kuera kwauri.
10“Usarime nemombe nedhongi zvakasungwa pajoko rimwechete.
11“Usapfeke hanzu yakarukwa neshinda dzemhando dzakasiyana yewuru neyerineni pamwechete.
12“Sonerera masa pamakona mana echari yaunofuka.
Mhosva dzoupombwe
13“Kana murume akaroora mukadzi akagara naye akazoti haachamuda, 14achimufumura nezvaanomupomera nokuipisa zita rake achiti, ‘Ndakatora mukadzi uyu asi ndakamuwana asisina umhandara.’
15“Zvino baba namai vomukadzi iyeyo ngavaunze zvinoratidza kuti paiva noumhandara kuvakuru vakuru kusuo reguta. 16Baba vomukadzi iyeyo vachaudza vakuru vakuru vachiti, ‘Ini ndakaroodza mwana wangu kumurume uyu. Zvino haachamuda. 17Hezvo akamufumura achimupomera kuti haana kuwana umhandara pamwana wangu. Asi zvinoratidza umhandara hwake ndezvizvi.’ Vachabva vatambanudza jira pameso avakuru vakuru veguta. 18Vakuru vakuru vaya ngavatore murume wacho vamurove. 19Ngavamuripise mari inokwana zana remari yesirivha, vaipe baba womukadzi wake nokuti akasvibisa zita remhandara yeIsiraeri. Acharamba ari mukadzi wake uye murume iyeyo haabvumirwi kuzoramba mukadzi iyeyo upenyu hwake hwose.
20“Asi kana chiri chokwadi chokuti zvinoratidza umhandara hwomusikana iyeyo hazvina kuonekwa, 21ngaaunzwe kumusuo wemba yababa vake. Varume vomuguta iroro ngavamuteme namatombo afe nokuti akaita unzenza muIsiraeri nokuita ufeve ari pamba pababa vake. Nokudaro muchaita kuti huipi hwakadai hupere pakati penyu.
22“Kana murume abatwa akarara nomukadzi womuridzi, gombarume iroro nomukadzi iyeyo vose vari vaviri ngavaurayiwe kuitira kuti mubvise huipi hwakadai pakati pevaIsiraeri.
23“Ngatiti mhandara ichangobva mukuroorwa yaonekwa nomumwe murume muguta obva arara nayo. 24Vatorei muende navo kugedhi kusuo guru romuguta iroro muvateme namabwe vafe, vose vari vaviri. Musikana anofira nyaya yokuti kunyange zvake aiva muguta haana kuridza mhere. Murume anofirawo nyaya yokufumura mukadzi womuridzi. Naizvozvo muchaita kuti huipi hwakadai upere pakati penyu.
25“Asi kana murume akaona mhandara musango ichangobva kuroorwa akaibata chibharo, murume iyeyo chete akavata naye, ndiye anofanira kuurayiwa. 26Asi musikana iyeyo musamurange. Haana mhosva inokodzera rufu. Mhosva yakadai yakafanana nemhosva yemunhu anomukira mumwe wake achimuuraya. 27Ndinodaro nokuti murume uyu akasangana nemhandara iyi musango, kunyange dai yakaridza zvayo mhere hapana aiinunura.
28“Kana murume akaona mhandara isati yaroorwa akaibata chibharo kana vakawanikidzwa, 29murume iyeyo ngaape baba vomusikana makumi mashanu emari yesirivha. Musikana iyeyo achava mukadzi wake nokuti akamufumura. Haabvumirwi kurambana nomukadzi iyeyo upenyu hwake hwose.
30“Hakuna munhu anobvumirwa kutorana nomukadzi wababa wake nokuti anenge azvidza baba vake nokupinda mumba mavo kwaanenge aita.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 22: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda