“Kana uchinge wazosvika munyika yaunopiwa naTenzi Mwari wako waitora wagarikana ukazoti, ‘Regai tichigadza mambo wedu anotitonga sezvakaita mamwe marudzi ari munharaunda yedu,’ gadzai zvenyu umambo munhu anenge asarudzwa naTenzi Mwari wako. Gadzai umambo munhu worudzi rwenyu. Musagadze mutorwa, munhu asiri worudzi rwenyu kuti akutongei. Asi chete ngaarege kuwanza mabhiza ake, kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotsvaka mamwe mabhiza okuwedzera sezvo Tenzi akakutii, ‘Musazodzokerazve nokwakareko.’ Ngaarege kuva navakadzi vazhinji nokuti vangazomurasisa. Ngaarege kuita matutu matutu emari yesirivha kana ndarama. Paanenge agadzwa umambo munyika yake, ngaazvinyorere bhuku romutemo kubva mubhuku rawo rinochengetwa navapristi vechiRevhi, agare naro, ariverenge mazuva ose oupenyu hwake. Ndizvo zvinozoita kuti adzidze kutya Tenzi Mwari wake, achengete zvinorehwa nomutemo uyu nemirao iyi azviite. Saka haazozvikudza pakati pehama dzake, otsauka pamutemo oita zvomusoro wake. Saizvozvo anozogara upenyu hwakareba munyika yaanotonga, iye navana vake, muIsiraeri.
Verenga chikamu Kutsinhira Mutemo 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kutsinhira Mutemo 17:14-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo