Kutsinhira Mutemo 13
13
1“Ngatitii pakati penyu pomuka muporofita kana muroti wehope, anofanokuudzai nechiratidzo nenenji, 2achifembera zvichazoitika, zvichizoitika, asi achizoti ngatinamate vamwe vamwari vausingambozivi, tivashandire. 3Rega kuteerera zvinotaurwa nomuporofita iyeyo kana muroti wehope iyeyo nokuti Tenzi Mwari wako anenge achitokuedza zvake achida kuona kuti unoda Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose here. 4Tenzi Mwari wenyu ndiye wamunofanira kutevera, ndiye wamunofanira kuremekedza. Mitemo yake ndiyo yamunofanira kuchengeta. Teererai izwi rake, mumushandire, murambe makati kwati naye. 5Asi muporofita iyeyo kana muroti wehope iyeyo ngaaurayiwe, nokuti akafurira vanhu kupandukira Tenzi Mwari wenyu akakuburitsai kuIjipiti, akakununurai muuranda, achikutsautsa munzira yawakanzi naTenzi Mwari wako utevere naizvozvo unobva waita kuti huipi hwakadai hupere pakati penyu.
6“Zvingaitike kuti ungafurirwewo nomukoma kana munun'una wako womumba, kana nomwanasikana wako, kana nomudzimai wako, muswerawakaringa chaiye, kana sahwira, shamwari yako yepamwoyo, ingakutaurire muchivande kuti, ‘Handei tindoshandira vamwe vamwari,’ vasingambozikanwa newe kana madzitateguru ako, 7vangave vamwe vamwari vendudzi dzavanhu vagere munharaunda yenyu kana vari chinhambwe, kusvikira kwakaperera nyika, 8usabvume kana kuteerera zvaanoreva. Rega kumunzwira tsitsi. Usamurege ari mupenyu. Usamuhwandise uchimunzvengesa kuvanhu. 9Asi iwe muuraye chete! Pakumuuraya iwe noruoko rwako ndiwe unotanga kwozotevera vamwe vose. 10Muteme namabwe afe nokuti aida kukutsautsa pana Tenzi Mwari wako akakuburitsa munyika yeIjipiti, muuranda. 11VaIsiraeri vachazvinzwa vachatya, vakarega kuzoitazve chinhu chakaipa chikadaro pakati penyu.
12“Zvingaitikewo kuti unganzwe kuti mune rimwe guta renyu ramuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu rokugara 13mamuka vamwe vanhu vasina maturo vari kukwezvera vanhu vemo kusiriko vachiti, ‘Handei tindoshandira vamwe vamwari,’ vausingambozivi. 14Nyatsotsvakiridzai mufeye-feye nokunyatsobvunzisisa nyaya iyoyo. Kana zvikaonekwa kuti ichokwadi, kuti chinhu chakaipa chikadaro chakaitika pakati pavo, 15paradzai namapakatwa vanhu vagere muguta iroro zvokuparadza zviya. Munyatsoriparadzawo nezvose zvirimo pamwechete nezvipfuwo zvaimomo. 16Zvinhu zvose zvamunowana zvirimo zvitutirei panhandare yomo yakakura muroromese guta iroro nomoto nezvinhu zvaro zvose, Tenzi Mwari wenyu azvione. Riregei rive dongo rakati murwi tuku risina anozorivaka zvakare. 17Zvinhu izvozvo zvose zvinenge zvanzi zviparadzwe, usazombobata zvako kunyange chimwe chazvo kuti upodze hasha dzaTenzi, dzinotyisa, akunzwirei nyasha akuitirei tsitsi aite kuti muwande sokutsidzira kwaakaita kumadzitateguru ako. 18Ndokunge wateerera izwi raTenzi Mwari wako uchichengeta mitemo yake yandiri kukuudza nhasi uno, kuti uite zvinofadza Tenzi Mwari wako.
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 13: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.