Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 6:1-9

Dhanieri 6:1-9 SCLB

Dhariusi akaona chiri chinhu chakanaka chokuti agadze madzishe zana namakumi maviri munyika youmambo hwake kuti vave munyika yose zvayo youmambo ihwohwo. Pamusoro paivava akagadzawo vamwe vatatu kuti vave madzichangamire avo, Dhanieri ari mumwe wavo vaizotumirwa nyaya namadzishe iwayo kuitira kuti mambo asawane chaanorasikirwa nacho. Zvino Dhanieri iyeyu akava munhu mumwewo chaiye akasiyana navamwe vose zvavo pamadzichangamire iwayo namadzishe acho nokuti maari maiva nomweya wakanaka kwazvo kwazvo. Nokudaro mambo akanga aronga kuti Dhanieri ave ndiye changamire wenyika yose youmambo ihwohwo somukurumukuru. Mamwe madzichangamire aye namadzishe aya vakatsvaga pokuti vamutsvate napo vagowanawo mhosva chaiyowo yokupa Dhanieri ichinangana nezvamatongerwo enyika iyoyo. Asi vakashaya mhosva yokupa Dhanieri kana chaaikanganisa nokuti aiva munhu akatendeseka, asina chaaikanganisa kana kutsveyamisa. Varume ivavo vakazonyeverana kuti, “Imika; hatimbowana mhosva yokupomera nayo Dhanieri uyu kusatoti taiwana mune zvomutemo waMwari wake.” Ipapo madzichangamire iwayo namadzishe akabvumirana kuenda kuna mambo vakati kwaari, “Mambo Dhariusi! Garirai kure nomoto. Vose zvavo madzichangamire enyika youmambo huno navatungamiriri namadzishe namakurukota namasadunhu vawirirana kuti mambo ngaaite murao ateme chirevo chokuti: Kwamakumi matatu amazuva hapafaniri kuwanikwa munhu anosvitsa mukumbiro kuna mwari upi noupi zvake kana kumunhu, kusiri kwamuri imi mambo, anofanira kuti akandwe mugomba reshumba. Zvino imi mambo chiitai chirevo ichocho musaine gwaro iroro kuti zvirege kuzosandurwa maererano nomutemo wavaMidhi navaPezhia usingasanduriki.” Naizvozvo mambo Dhariusi akasaina gwaro iroro.

Verenga chikamu Dhanieri 6