Mambo Nebhukadhineza akagadzira chifananidzo chendarama chakanga chichiita mamita makumi maviri namanomwe urefu hwacho kuenda mudenga, chichiitawo mamita anenge matatu upamhi hwacho. Akachimisa mubani reDhura, munyika yeBhabhironi. Mambo Nebhukadhineza akatumira shoko rokuunganidza madzishe navatungamiriri uye masadunhu namakurukota namadzisahomwe uye namagweta navatongi vedzimhosva navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo kuti vauye paizoteketerwa kuna vamwari chifananidzo ichocho chakanga chamiswa naNebhukadhineza. Ipapo madzishe navatungamiriri vaya namasadunhu namakurukota uyewo namadzisahomwe namagweta navatongi vedzimhosva pamwechete navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo vakaunganidzana kuzoteketerera chifananidzo chacho chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza kuna vamwari. Vakaungana pamberi pechifananidzo ichocho chakanga chakagadzirwa chikamiswa naNebhukadhineza. Mumwe webasa rokuzivisa vanhu akabva adaidzira achiti, “Vanhuwee, ndudzi nendudzi, ndimi nendimi! Muri kunzi: Pamunongonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, munofanira kugwadama pasi mupfugamire chifananidzo ichi chakamiswa namambo Nebhukadhineza. Kuwana ani zvake anorega kugwadama pasi achipfugama, pakarepo anobva atokandwa muvira romoto unopisa kwazvo.” Naizvozvo vanhu vamarudzi ose pavakangonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, marudzi ose iwayo nendudzi dzose nendimi vakati pasi gwadagwa vachipfugamira chifananidzo ichocho chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza.
Verenga chikamu Dhanieri 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 3:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo