Mugore rechipiri rokutonga kwaNebhukadhineza, iye Nebhukadhineza akarota hope akashushikana mumwoyo zvikamushayisa hope. Mambo akabva ati vamapipi navamaminimini navanhu vamakona navaKaridhea vadaidzwe kuzodudzira mambo hope dzake. Saizvozvowo vakauya vakamira pana mambo. Mambo akavati, “Ndarota hope, zvino ndiri kutambura mumwoyo mangu kuti ndizive hope dzacho.” VaKaridhea vakabva vati kuna mambo muchiArameiki, “Mambo! Ngazvirambe zvakadaro muchitonga! Tirondedzerei henyu hope dzacho isu varanda venyu, tichadudzira zvadzinoreva.” Mambo akapindura vaKaridhea kuti, “Zvandinoreva ndezvechokwadi. Kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, nokudzidudzira kwacho muchabvamburwa kuitwa zvidimbu zvidimbu. Misha yenyu ichisara yava matongo. Asi mukandirondedzera hope dzacho nezvadzinoreva, ndichakupai zvipo nemibayiro noukuru hwakakura kwazvo. Naizvozvo chinditaurirai hope idzodzo nedudziro yadzo.” Vakapindurazve mambo kuti, “Mambo rondedzerai henyu hope dzacho isu varanda venyu, tikududzirei zvadzinoreva.” Mambo ndokuti, “Ndazonyatsoziva zvino kuti mava kungovemberedza nguva nokuti maona kuti zvandareva ndezvechokwadi zvokuti kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, chenyu chasara chirango, chimwechete chete. Heya matobvumirana kuzonditaurira zvokunyepa nenyaya dzakaora kusvikira mamiriro ezvinhu asanduka. Naizvozvo ndirondedzerei hope idzodzo ndibva ndazivawo kuti kana kudzidudzira munogona.” VaKaridhea vakapindura mambo vachiti, “Hakuna kana nomunhu pasi pano angagone kuita zviri kudiwa namambo izvi nokuti hakunawo changamire mambo chaiye ane simba ati ambobvunza zvakadai izvi kuna ani zvake wamapipi kana wamaminimini kunyange kumuKaridhea upi zvake. Izvi zvakumbirwa namambo, zvakaoma uye hakuna angagone kuzviisa pachena kuna mambo, asi kutoti vamwari chete vasingaiti musha mukati mavanhu.” Pamusana paizvozvi mambo akashatirwa akaviruka kwazvo nehasha akapa chirevo chokuti: Vachenjeri vose veBhabhironi ngavaurayiwe. Nokudaro chirevo ichochi chokuti: vachenjeri vanofanira kuti vaurayiwe, chakafamba. Vakatsvagawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vavauraye. Ipapo Dhanieri akapa mhinduro yakanyatsofungwa ine uchenjeri chaihwo kuna Arioku mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo uyewo munhu akanga auya kuzouraya vachenjeri veBhabhironi. Dhanieri akati kuna Arioku mukuru mukuru wokwamambo, “Zvaita sei kuti chirevo chamambo chibva chaoma kudai?” Arioku ndokuzivisa Dhanieri nyaya yacho. Dhanieri akapinda akandoteterera kuna mambo kuti amutaurire nguva yaaizopa mambo dudziro yacho.
Verenga chikamu Dhanieri 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 2:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo