Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 2:1-16

Dhanieri 2:1-16 SNA2002

Negore rechipiri rokubata ushe kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari akarota hope; mweya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza. Ipapo mambo akarayira kuti vachenjeri nen’anga navaroyi navaKaradhea vadanwe kuzodudzira mambo kurota kwake. Ipapo vakapinda vakamira pamberi pamambo. Mambo akati kwavari, “Ndarota hope, zvino mweya wangu unotambudzika ndichiti ndinzwisise kurota kwangu.” Ipapo vaKaradhea vakataura namambo norurimi rwavaSiria, vakati, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.” Mambo akapindura, akati kuna vaKaradhea, “Shoko ratemwa neni; kana mukasandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchagurwa‐gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa durunhuru. Asi kana mukandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchapiwa neni zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru; naizvozvo chindizivisai kurota nokududzirwa kwazvo.” Ivo vakapindura rwechipiri, vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake kurota kwake, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.” Mambo akapindura, akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongotsvaka kuwedzerwa nguva, nokuti munoona kuti shoko iri ratemwa neni. Asi kana mukasandizivisa kurota kwangu, mucharohwa nomurayiro mumwe chete, nokuti makazvigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi pangu, kusvikira nguva yashanduka; naizvozvo chindiudzai kurota kwangu, ipapo ndichaziva kuti mungandizivisa kududzirwa kwazvo.” VaKaradhea vakapindura pamberi pamambo, vakati, “Hakuna munhu pasi pose angagone kuzivisa shoko iri ramambo, nokuti hakuna mambo kana ishe, kana mubati akatongotsvaka chinhu chakadai kune wakachenjera kana n’anga, kana muKaradhea upi noupi. Chinhu chinobvunzwa namambo chikuru kwazvo, hakuna angachizivisa kuna mambo, asi vamwari vasingagari navanhu.” Nemhaka iyi mambo akatsamwa, akava nehasha kwazvo, akarayira kuti vachenjeri vose veBhabhironi vaurawe. Naizvozvo chirevo chakatemwa kuti vachenjeri vaurawe, vakatsvakawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurawe. Ipapo Dhanieri akapindura Arioki nenjere nokungwara, iye mukuru wachengeti vamambo, akanga abuda kundouraya vachenjeri veBhabhironi; akati kuna Arioki mukuru wavachengeti vamambo, “Chirevo ichi chamambo chine hasha neiko?” Ipapo Arioki akazivisa Dhanieri shoko iro. Zvino Dhanieri akapinda kuna mambo, akakumbira kwaari, kuti amutarire nguva, azivise mambo kududzirwa kwazvo.

Verenga chikamu Dhanieri 2