Mugore rechitatu rokutonga kwaSairasi mambo wePezhia, pane zvimwe zvinhu zvakaoneswa Dhanieri ainzi Bheriteshaza. Zvinhu zvacho zvaiva zvechokwadi, zvaiva zvehondo chaizvo. Zvinhu izvozvo akazvinzwisisa akanzwisisawo chiratidzo chacho. Mumazuva iwayo, ini Dhanieri ndaingunochema kwamasvondo matatu. Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvakanakisa kana nyama kana waini yakambopinda mukanwa mangu. Handina kumbozora mafuta kwamasvondo matatu chaiwo akakwana. Pazuva ramakumi maviri nechina romwedzi wokutanga ndakanga ndimire pamahombekombe erwizi rukuru rwaTigirisi. Ndakasimudza musoro ndikatarisa ndikaona mumwe munhu akanga akapfeka rineni akasunga muchiuno bhandhi rendarama yeUfazi. Muviri wake wakanga wakaita samatombo ebheriri uso hwake huchiita semheni, maziso ake achingarikira somwenje womoto, maoko ake namakumbo achivaima sendarira yakakwenenzverwa ruzha rwezvaaitaura ruchiita semhomho yavanhu. Iyeni Dhanieri ndoga ndini ndakaona chiratidzo ichocho nokuti varume vandaiva navo havana kuona chiratidzo ichocho. Asi vakapindwa nokudedera kukuru kwazvo vakatiza kundohwanda. Ipapo ndakasiyiwa ndangova ndoga ndichiona chiratidzo ichocho chikuru asi ndisisina simba. Kunyatsoonekerawo kwouso hwangu kwakasanduka zvinotyisa ndikapera simba. Ndipo pandakanzwa izwi rake kutaura. Pandakanzwa kutaura kwake ikoko ndakabva ndati kwimha pasi nouso ndokubva ndanzi koche kubatwa nehope dzorufu uso hwangu huri pasi kudaro. Ndokubva ruoko rwandibata rukandipfugamisa namabvi namagokora ndichidedera. Akanditi, “Dhanieri, munhu wapamwoyo chaiye nyatsoteerera mazwi andava kukutaurira chinyatsomira nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Paakataura neni izvozvi ndakamira ndichidedera. Akanditi, “Usatye zvako Dhanieri nokuti kubvira musi wawatangisa kuva nomwoyo wokuda kunzwisisa zvinhu izvozvi uchizvirereka pana Mwari wako, zvawaitaura zvakanzwika, nokudaro ndauya pamusana pezvawaireva. Asi muchinda wenyika yePezhia aipikisana neni kwamazuva makumi maviri nerimwechete. Asi Mikaeri mumwe wamachinda makuru akauya kuzondibatsira naizvozvo ndamusiya ikoko nomuchinda wenyika yePezhia.” Ndauya kuitira kuti unzwisise zvichawira vanhu vokwako mumazuva anotevera, nokuti chiratidzo ichochi ndechamazuva ari kuuya.
Verenga chikamu Dhanieri 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 10:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo