Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimu mambo wokwaJudha, Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya kuguta reJerusaremu akarikomba, Tenzi akabva aita kuti Jehoyakimu mambo wokwaJudha akurirwe atorerwe mimwe midziyo yomuTemberi yaMwari. Nebhukadhineza akaenda nazvo kunyika yeShinari kuTemberi yake akarongedza midziyo iyoyo mumba maichengeterwa zvinhu zvamwari wake. Mambo akaudza mumwe muyuniki aiva muranda wake mukuru ainzi Ashipenazi kuti auye navamwe vanhu vechiIsiraeri asi vaifanira kuva vokumbahuru vane chiremera, uye vari majaya asina chinoshoreka ane chimiro chakarurama dziri nyanzvi chaidzo dzino ungwaru hwose zvahwo, uyewo vari vanhu vano ruzivo vanonzwisisa zvokudzidza, vanogona kushandawo mumuzinda wamambo. Akamuti avadzidzise zvinyorwa zvorurimi rwechiKaridhea. Mambo akarayira kuti zuva nezuva vapote vachipiwawo mugove wechokudya chakanaka chaidyiwa namambo newaini yaainwa. Vaizoita makore matatu vachidzidziswa, mushure menguva iyoyo, ndivo vaizenge vava vokushanda pana mambo. Pakati pamajaya iwaya paivawo naDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya vedzinza rokwaJudha. Mukuru wavayuniki, akavapa mamwe mazita. Akapa Dhanieri zita rokuti Bheriteshaza, Hananiya akamutumidza rokuti Shadhiraki. Akapawo Mishaeri zita rokuti Meshaki ndokutumidza Azariya zita rokuti Abhedhinego. Asi Dhanieri akazviti nechomumwoyo handimboda zvangu kuzvin'oresa nechokudya chamambo chakanakisisa kana newaini yaanonwa. Naizvozvo akakumbira muyuniki mukuru kuti amubvumire zvake kusazvin'oresa. Ipapo Mwari akaita kuti Dhanieri aitirwe tsiye nyoro akanzwirwa ngoni nomuyuniki, mukuru uya. Mukuru wavayuniki iyeyo akati kuna Dhanieri, “Chandinotya ndechokuti dai changamire wangu, ivo mambo, vakatema kuti imi mupiwe chokudya nechokunwa chenyu vazokuonai imi mapera kwazvo muviri masiyana nevechidiki vezera renyu. Ipapo mungatondidimurisa musoro namambo.” Dhanieri akataura kuno mumwe mutariri akanga apiwa basa nomuyuniki uya mukuru rokuona zvavanaDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya kuti, “Dai mukambotiedza isu varanda venyu kwamazuva gumi, mombotirega tichipiwa miriwo yokudya nemvura yokunwa. Ipapo imi mugocherechedza muone kutarisika kwatichange tava kuita nokutarisika kuchange kuchiita majaya aya anodya chokudya chakanaka chokwamambo. Imimi mozoitawo nesu varanda venyu, somuonero wamunenge maita.” Saizvozvo iye akabvuma zvavakareva izvi ndokumbovaedza kwegumi remazuva. Mushure memazuva gumi iwayo, pakaonekwa kuti vakanga vava kutarisika zvakanaka uye vatoita muviri kudarika majaya mamwe ose aya akanga achidya chokudya chakanaka chokwamambo. Nokudaro mutariri uya akabva abvisa chokudya chiya chakanaka newaini yavaifanira kuti vanwe ndokubva avakuvapa miriwo. Majaya iwaya ari mana kudaro, Mwari, akaapa ruzivo nounyanzvi hwezvezvinyorwa zvose noungwaru uye Dhanieri ainzwisisa zvose zviratidzo nezviroto. Kuzoti nguva iya yapera, mambo paakati majaya iwayo auyiwe nawo, muyuniki uya, mukuru akavaunza makanga muina Nebhukadhineza. Mambo akataura navo. Zvino pakati pavo vose hapana mumwe akanga akaita saDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya. Naizvozvo vakabva vava vokushanda pana mambo. Panyaya yose yose zvayo painge pava kutsvakwa ungwaru nouchenjeri pazvinhu zvavainge vabvunzwa namambo, mambo aiona kuti vaiva vari nani zvokutopeta kagumi vamapipi kana vamaminimini vaiva munyika dzose dzoumambo hwake. Dhanieri akaramba aripo kusvikira gore rechiposhi rokutonga kwamambo Sairasi.
Verenga chikamu Dhanieri 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 1:1-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo