Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vakorose 3:1-10

Vakorose 3:1-10 SCLB

Zvino kana makamuka pamwechete naKristu kudai tswakai zviri kumusoro kuna Kristu kwaagere kurudyi rwaMwari. Isai mwoyo yenyu kune zvokudenga, kwete zvapasi pano. Ndinodaro nokuti makafa uye kuti upenyu hwenyu hwakavigwa pamwechete naKristu muna Mwari. Panenge iye Kristu, upenyu hwedu, azozviratidza, ipapo, imiwo muchazoratidzwa muinaye mumbiri. Naizvozvo urayai zvenyika zviri mamuri izvi zvinoti: ufeve, zvisina kuchena, havi dzakaipa, nokudokwairira uipi nokukarira upfumi zvinongova zvimwechetezvo nokunamata zvifananidzo. Pamusana paizvozvi Mwari ari kuuya akashatirwa. Makambofamba mazviri pamaigara mazviri. Zvino chisiyanai nazvo zvose zvinoti: hasha, noukasha, nouipi nokureva vamwe nokutaura zvinonyadzisa. Musareverane nhema sezvamunongozvionawo kuti makabvisa upenyu hwenyu hwakare namaitiro ahwo mukapfeka upenyu hutsva huri kuvandudzwa noruzivo kuti hufanane nomusiki warwo.

Verenga chikamu Vakorose 3