Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi. Dangwe–rume rechisikwa chiri chose nokuti maari, Mwari ndomaakasika namo zvinhu zvose, zviri pasi nezviri kudenga, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kunyange vezvigaro zvokutonga kana voumambo kana kuti vane ukuru–ukuru kana madzishe. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari uyewo ndiye wazvakasikirwa. Ndiye nyakutangira zvinhu zvose uye maari zvinhu zvose zvinobatanidzwa zviri mumaoko ake. Ndiye musoro womuviri, musoro wesangano. Ndiye wokutanga dangwerume revakabva kuvafi, kuti muna zvose ave ndiye wokutanga–tanga nokuti maari umwari huzere hwakafadzwa kuita musha wahwo uye kuti nemaari, ayananise zvinhu zvose naye. Achizviwadzanisa neropa romuchinjikwa wake, zvingave zviri pasi pano kana zviri kudenga. Zvino imi makambenge makatsauka, makapanduka mwoyo, muri vezviito zvakashata, akakuyananisai nomuviri wake wenyama nokufa kwaakaita kuti akutsvitsei kwaari muri vatsvene, vasina chinoshoreka uye vasina mhosva yavangapiwe. Anogona kuzviita chete kana imi mukaramba muine chitendero makadzika midzi musingazunguziki, musingakande pasi chitarisiro chamunowana muShoko Rakanaka ramakanzwa rakaparidzwa kuzvisikwa zvose zviri pasi pedenga. Ini Pauro ndakave mushandiri waro. Zvino, ndinofara namatambudziko angu andinotambudzikira imi. Mumuviri wangu ndinozadzisa zvakasara pakutambudzika kwaKristu achitambudzikira muviri wake, sangano.
Verenga chikamu Vakorose 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vakorose 1:15-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo