Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 9:1-15

Amosi 9:1-15 SCLB

Ndakaona TENZI amire paatari, akati, “Bhogomora zvapamusoro pembiru kudzamara kamba kapamusuo wokupinda muTemberi kava kuzunguzika uzviti mwarara pamusoro pavo vose. Vamwe vavo vanenge vasara, ndichavarakatisa kufa rufu rwepfumo pasina kana mumwe wavo anotiza kana mumwe wavo anopapunyuka. Kana zvavo vakaita zvokuchera napasi kundohwanda kuNzvimbo yaVachakabvu, naikokowo ndichavatora noruoko rwangu, kunyange zvavo vakakwira mudenga ndichavakoromorera pasi. Kana zvavo vakandohwanda pamusoro peGomo reKameri, naikoko ndichavaronda ndikavatora, kunyange vakandondihwanda pasi pegungwa, ndichati nyoka ivarume ikoko. Vavengi vavo vakaenda navo kuutapwa, ikoko ndichatuma hondo yebakatwa ivarakatise kuuraya. Ndichangoramba ndati navo nanga nanga kuvaitira zvakaipa kwete zvakanaka.” TENZI Mwari wehondo nehondo anoti akagunzva nyika nyika inonyungudika navagari vemo vose vanochema, vose vanotutumuka serwizi rwaNairi vachibva vaserera zvakare seNairi rwokuIjipiti, iye wacho anovaka dzimba dzenhurikidzwa mudenga, akasika ziendanakuenda rapamusoro penyika, iye anodaidza mvura yegungwa achiidira pasi panyika, zita rake iyeyo, ndiYahweh. Zvanzi naTENZI, “Nhaimi vanhu veIsiraeri, izvozvi kwandiri ini, munoti makasiyana nhai navaItiopia. Handisini ndakaburitsa vaIsiraeri muIjipiti here? Handisirini ndakaburitsa vaFirisitia kuKafutori, navaSiria kuKiri here? Chinzwai, ziso raTENZI Mwari rava panyika iyoyi izere zvitadzo, ndichaitsakatisa panyika pasi pano. Kunyange zvakadaro zvazvo handisi kuzobva ndanyatsotsakatisa imba yaJakobho.” Ndizvo zviri kutaura TENZI. “Ndinodaro nokuti ndichatema kuti imba yaIsiraeri izunzwe pakati pendudzi dzose dzavanhu sokusefa kunoita munhu nesefa pasina kana nakatsanga zvako kanodonhera pasi. Vatadzi vose vari muvanhu vangu, vachafa rufu rwepfumo muhondo, ivavo vanozviti, ‘Hapana chakaipa chichatiwana kana chichatiwira.’ ” “Nezuva iroro, ndichamutsa imba yokwaDhavhidhi yakadai kuputsika ndiigadziridze pakapazika ndichimutsurudza matongo ayo, ndichiivaka patsva samazuva akare kuti vagotonga chitsama chakasara chokwaEdhomu nevechirudzi vose vanodaidzwa nezita rangu.” Ndizvo zvinotaura TENZI muiti waizvozvi. Zvanzi naTENZI, “Chionai, mazuva ari kuuya, okuti kurima kuchasvika kukohwa kusati kwapera uye okusima magirepisi wokuasvina asati apedza. Makomo achajuja waini inonaka nezvikomo zvose zvichayerera waini. Ndichadzosera vanhu vangu vaIsiraeri zvose zvavaiva nazvo. Maguta avo akanga aparadzwa, vachaavakazve vakatoagara. Vachasima zvavo minda yamagirepisi, vachitozonwa, waini yayo. Vachaitawo mapindu, vagodya muchero yawo. Ndichavagarisa munyika yavo pasina achazovatamisamozve achivabvisa munyika iyi yandakavapa ini.” Ndizvo zviri kutaura TENZI, Mwari wenyu.

Verenga chikamu Amosi 9