Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 9:32-35

Mabasa 9:32-35 SCLB

Zvino Pita zvaaifamba–famba mukati mavo vose akaendawo kuvatsvene vaigara kuRidha. Ikoko akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga angove wepabonde nokurwara kwamakore masere uye akanga akafa mitezo. Pita akati kwaari, “Eniasi Jesu Kristu ari kukurapa, simuka upete bonde rako.” Akabva asimuka pakarepo. Vagari vose vomuRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna Tenzi.

Verenga chikamu Mabasa 9