Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 8:14-25

Mabasa 8:14-25 SCLB

Vapositori vaiva kuJerusaremu pavakanzwa kuti Samaria yakanga yagamuchira Shoko raMwari vakavatumira Pita naJohani. Vakadzika vakavanamatira kuti vagashire Mweya Mutsvene nokuti Mweya Mutsvene akanga asati aburukira panaani zvake wavo; asi vakanga vangoombekwa chete muzita raTenzi Jesu. Vakaisa maoko avo pavari vakagamuchira Mweya Mutsvene. Simoni paakaona kuti Mweya waipiwa nokuiswa kwamaoko avapositori pavanhu akavapa mari achiti, “Ndipeiwo simba irori kuti munhu wose wandinenge ndaisa maoko angu paari agamuchire Mweya Mutsvene.” Asi Pita akati kwaari, “Parara nemari yako iyoyo nokuti wafunga kuti unogona kuwana chipo chaMwari nemari. Hauna nzvimbo kana mugove mune zvinhu izvi nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. Saka tendeuka pauipi hwako uhu unamate kuna Tenzi kuti zvimwe pfungwa dzemwoyo wako dziregererwe nokuti ndinoona kuti mwoyo wako uzere nenduru inovava uye uri musungwa wouipi.” Simoni akapindura achiti, “Ndinamatireiwo kuna Tenzi kuitira kuti zvose zvamataura zvirege kundiwira.” Zvino pavakanga vapa uchapupu hwavo uye vataura shoko raTenzi vakadzokera kuJerusaremu vachiparidza Shoko Rakanaka mumisha yakawanda yevekuSamaria.

Verenga chikamu Mabasa 8