Sitefani aiva azere nenyasha nesimba akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu. Ipapo vamwe vaiva veSinagogu yavaSununguki sokudaidzwa kwayaiitwa, nevokuSairini nevokuArekizandiria nevakabva Kirikia nokuAsia vakamuka kuitirana nharo naSitefani. Asi havana kukwanisana noungwaru naMweya waaitaura ainaye. Vakasoka vamwe varume kuti vati, “Takamunzwa achitaura manzwi okushonha Mosesi naMwari.” Vakapinza mweya wokupanduka mukati mavanhu nomukati mavakuru vakuru nomuvanyori vakaenda kwaari vakamubata vakamuunza kudare. Vakamuisira zvapupu zvenhema vakati: “Munhu uyu haambomira kutaura mashoko ukushora nzvimbo ino tsvene uye kushora Mutemo, nokuti takamunzwa achiti, ‘Jesu uyu weNazareti achaparadza nzvimbo iyi uye achasandura tsika dzatakagamuchira kuna Mosesi.’ ”
Verenga chikamu Mabasa 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 6:8-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo