Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 6:8-14

Mabasa 6:8-14 SNA2002

Zvino Sitefano, azere nenyasha nesimba, akaita zvinoshamisa nezviratidzo zvikuru pakati pavanhu. Ipapo vamwe vavo, vaiva vesinagoge rainzi ravasununguki, navaKurene, navaArekizandiriya, naveKirikia, naveAsia, vakasimuka vakaita nharo naSitefano. Asi vakanga vasingagoni kukunda kuchenjera kwake, naMweya waaitaura naye. Ipapo vakamutsa varume, vaiti, “Takamunzwa achitaura mashoko anomhura Mosesi naMwari.” Vakakurudzira vanhu, navakuru, navanyori; vakamuwira, vakamubata, vakamuisa kumakurukota, vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti, “Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurayiro. “Nokuti takamunzwa achiti, ‘Uyu Jesu weNazareta achaparadza nzvimbo iyi nokusandura tsika dzatakapiwa naMosesi.’ ”

Verenga chikamu Mabasa 6