Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 6:1-7

Mabasa 6:1-7 SCLB

Pamazuva iwayo vadzidzi pavakanga vava kuwanda vechiGiriki vakanyunyutira vechiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikirwa pakugoverwa kwamazuva ose. Vane gumi navaviri vakaunganidza gungano ravadzidzi vakati, “Hazvina kunaka kuti tirege kuparidza shoko raMwari tichipa zvokudya. Naizvozvo hama dzangu sarudzai pakati penyu varume vanomwe vane zita rakanaka vazere naMweya noungwaru vatinogona kupa basa iri. Asi isu tozvipira kubasa rokunamata nokuva vashandiri veShoko.” Zvavakataura zvakafadza gungano rose. Vakasarudza Sitefani murume akanga azere nechitendero naMweya Mutsvene kouya Firipi naPurokorusi naNikanori koti Timoti naPemenasi naNikorausi wokuAndiyoku akapindukira kuchiJudha. Vakavaunza panavapositori. Ivo vakanamata vakaisa maoko avo pavari. Shoko raMwari rakaenderera mberi uye uwandi hwavadzidzi hwakakura zvikuru kwazvo muJerusaremu. Vapristi vazhinji vakagamuchirawo chitendero.

Verenga chikamu Mabasa 6